Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mapisarema 37:1-4

Mapisarema 37:1-4 SNA2002

Usava neshungu nokuda kwavanoita zvakaipa, Usagodora vanoita zvisina kururama. Nokuti vachakurumidza kudzurwa souswa, Vachaoma semuriwo mutema. Vimba naJehovha, uite zvakanaka; Gara panyika, ushingairire kutendeka. Farikana kwazvo kuna Jehovha; Iye agokupa zvinodikanwa nomwoyo wako.