Zvirevo 31:10-24
Zvirevo 31:10-24 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mudzimai ane unhu hwakanaka ndiani angamuwana? Mutengo wake unopfuura nokure matombo anokosha emarubhi. Murume wake anovimba naye zvizere, uye haana chaanoshayiwa chinokosha. Anoitira murume wake zvakanaka, kwete zvakaipa, mazuva ose oupenyu hwake. Anosarudza wuru neshinda uye anoshanda namaoko anoshingaira. Akafanana nezvikepe zvavatengesi, anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka kuchakasviba; agotsvagira mhuri yake zvokudya uye agopa varandakadzi vake basa ravo. Anonanʼanidza munda agoutenga; anosima munda wemizambiringa nezvaakawana namaoko ake. Anoita basa rake nesimba; maoko ake akasimba kuti aite mabasa ake. Anoona kuti kushambadzira kwake kunobatsira, uye mwenje wake haudzimi pausiku. Muruoko rwake anobata chirukiso, uye anobata chirukwa neminwe yake. Anotambanudzira maoko ake kuvarombo, uye anotandavadzira maoko ake kune vanoshayiwa. Kana kwotonhora, haatyire mhuri yake; nokuti vose vakapfeka nguo dzinodziya. Anozvigadzirira zvokuwaridza panhoo yake; anozvipfekedza nguo yomucheka wakaisvonaka, uye nomucheka wepepuru. Murume wake anoremekedzwa pasuo reguta, kana agere pakati pavakuru venyika. Mudzimai anoita nguo dzemicheka yakanaka agodzitengesa, uye anotengesera vanotengesa micheka yokumonera muhuro.
Zvirevo 31:10-24 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndianiko angawana mukadzi anozviita zvakanaka? Nokuti mutengo wake unokunda kwazvo mutengo wamaparera. Mwoyo womurume wake unomutenda, Naiye haangashaiwi pfuma. Unoitira murume wake zvakanaka, haamuitiri zvakaipa Mazuva ose oupenyu hwake. Anotsvaka mvere noruchinda, Achibata namaoko ake nomufaro. Akafanana nezvikepe zvavatengesi; Anondotora zvokudya zvake kure. Anomuka huchiri usiku, Nokupa mhuri yake zvokudya, Navashandiri vake basa ravo. Anorangarira munda, ndokuutenga; Anosima munda wemidzambiringa nezvaakawana namaoko ake. Anozvisunga chiuno nesimba, Nokusimbisa maoko ake. Anoona kuti kushambadzira kwake kwabatsira; Mwenje wake haudzimi husiku. Anotambanudzira ruoko rwake kune chokurukisa; Maoko ake anobata chinorukwa. Anotambanudzira murombo ruoko rwake; Anotandavadzira anoshaiwa maoko ake. Haatyi chando pamusoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka nguo tsvuku. Anozviitira mitsamiro inoukomba; Nguo yake mucheka wakaisvonaka nomutsvuku. Murume wake anozikanwa pamasuo eguta, Kana agere pakati pavakuru venyika. Anoita zvokufuka zvomucheka achizvitengesa, Anovigira vatengesi zvisungo zvezviuno.
Zvirevo 31:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka anokosha zvikuru kupinda zvishongo. Mwoyo womurume wake unovimba naye. Haashaye chaanowana. Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake. Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda. Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure. Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa. Anotsvaka munda wokutenga, anosima munda wemigirepisi nesimba remaoko ake anogwinyisa chiuno nokusimbisa maoko, anoona kuti zvinhu zvake zvinofamba zvakanaka rambi rake haridzimi usiku hwose. Anotambanudzira maoko ake kuchivhimbo chewuru achibata chokurukisa neminwe yake. Anozarura ruoko rwake kupa varombo achitambanudzira maoko ake kune vasina chavanacho. Haatyiri imba yake chando nokuti mhuri yake yose inenge yakapfeka zvitsvuku. Anozvigadzirira oga zvokufukidza nazvo mubhedha wake, hanzu dzake ndedzerineni yakanakisisa dzeruvara rwohute. Murume wake munhu anozivikanwa padare kana agere pakati pavakuru-vakuru venyika anoita machira erineni achiatengesa achiwanisa vashambadzi mabhande.
Zvirevo 31:10-24 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndianiko uŋgawana mukadzi unoita ɀakanaka? Nokuti muteŋgo wake unokunda kwaɀo muteŋgo wamaparera. Mŋoyo womurume wake unomutenda, Naiye haaŋgashaiwi fuma. Unoitira murume wake ɀakanaka, haamuitiri ɀakaipa Mazuʋa ose oʋupenyu bgake. Unotȿaka mvere norucinda, Aciɓata namaʋoko ake nomufaro. Wakafanana neɀikepe ɀaʋateŋgesi; Unondotora ɀokudya ɀake kure. Unomuka ʋuciri ʋusiku, Nokupa mhuri yake ɀokudya, Naʋashandiri ʋake ɓasa raʋo. Unoraŋgarira munda, ndokuuteŋga; Unosima munda wemizambiriŋga neɀaakawana namaʋoko ake. Unoɀisuŋga ciʋuno nesimba, Nokusimbisa maʋoko ake. Unoʋona kuti kushambadzira kwake kwaɓatsira; Mŋenje wake haudzimi ʋusiku. Unotambanudzira ruʋoko rwake kunecokurukisa; Maʋoko ake anoɓata cinorukwa. Unotambanudzira murombo ruʋoko rwake; Unotandaʋadzira unoshaiwa maʋoko ake. Haatyi cando pamsoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka ŋguʋo tȿuku. Unoɀiitira mitsamiro inoʋukomba; Ŋguʋo yake muceka wakaiȿo‐naka nomutȿuku. Murume wake unozikanwa pamasuʋo eguta, Kana agere pakati paʋakuru ʋenyika. Unoita ɀokufuka ɀomuceka aciɀiteŋgesa, Unoʋigira ʋateŋgesi ɀisuŋgo ɀeɀiʋuno.
Zvirevo 31:10-24 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)