Ndiani zvake akawana mukadzi wakanaka anokosha zvikuru kupinda zvishongo. Mwoyo womurume wake unovimba naye. Haashaye chaanowana. Anomuitira zvakanaka kwete zvakaipa mazuva ose oupenyu hwake. Anotsvaka wuru netseta achishanda nomwoyo unoda. Akaita sengarava dzomushambadzi anobva nechokudya chake kure. Anomuka huchiri usiku achipa mhuri yake zvokudya uye basa kuvasikana vake vebasa. Anotsvaka munda wokutenga, anosima munda wemigirepisi nesimba remaoko ake anogwinyisa chiuno nokusimbisa maoko, anoona kuti zvinhu zvake zvinofamba zvakanaka rambi rake haridzimi usiku hwose. Anotambanudzira maoko ake kuchivhimbo chewuru achibata chokurukisa neminwe yake. Anozarura ruoko rwake kupa varombo achitambanudzira maoko ake kune vasina chavanacho. Haatyiri imba yake chando nokuti mhuri yake yose inenge yakapfeka zvitsvuku. Anozvigadzirira oga zvokufukidza nazvo mubhedha wake, hanzu dzake ndedzerineni yakanakisisa dzeruvara rwohute. Murume wake munhu anozivikanwa padare kana agere pakati pavakuru-vakuru venyika anoita machira erineni achiatengesa achiwanisa vashambadzi mabhande.
Verenga chikamu Tsumo 31
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Tsumo 31:10-24
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo