Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ɀireʋo 31:10-24

Ɀireʋo 31:10-24 SUB1949

Ndianiko uŋgawana mukadzi unoita ɀakanaka? Nokuti muteŋgo wake unokunda kwaɀo muteŋgo wamaparera. Mŋoyo womurume wake unomutenda, Naiye haaŋgashaiwi fuma. Unoitira murume wake ɀakanaka, haamuitiri ɀakaipa Mazuʋa ose oʋupenyu bgake. Unotȿaka mvere norucinda, Aciɓata namaʋoko ake nomufaro. Wakafanana neɀikepe ɀaʋateŋgesi; Unondotora ɀokudya ɀake kure. Unomuka ʋuciri ʋusiku, Nokupa mhuri yake ɀokudya, Naʋashandiri ʋake ɓasa raʋo. Unoraŋgarira munda, ndokuuteŋga; Unosima munda wemizambiriŋga neɀaakawana namaʋoko ake. Unoɀisuŋga ciʋuno nesimba, Nokusimbisa maʋoko ake. Unoʋona kuti kushambadzira kwake kwaɓatsira; Mŋenje wake haudzimi ʋusiku. Unotambanudzira ruʋoko rwake kunecokurukisa; Maʋoko ake anoɓata cinorukwa. Unotambanudzira murombo ruʋoko rwake; Unotandaʋadzira unoshaiwa maʋoko ake. Haatyi cando pamsoro peimba yake, Nokuti mhuri yake yose yakafuka ŋguʋo tȿuku. Unoɀiitira mitsamiro inoʋukomba; Ŋguʋo yake muceka wakaiȿo‐naka nomutȿuku. Murume wake unozikanwa pamasuʋo eguta, Kana agere pakati paʋakuru ʋenyika. Unoita ɀokufuka ɀomuceka aciɀiteŋgesa, Unoʋigira ʋateŋgesi ɀisuŋgo ɀeɀiʋuno.