Mateo 23:1-7 - Compare All Versions
Mateo 23:1-7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Jesu akataura kuvanhu vazhinji nokuvadzidzi vake achiti, “Vadzidzisi vomurayiro navaFarisi vagere pachigaro chaMozisi. Saka munofanira kuvateerera muite zvinhu zvose zvavanokuudzai. Asi musaita zvavanoita, nokuti havaiti zvavanoparidza. Vanosunga mitoro inorema voitakudza pamafudzi avanhu, asi ivo pachavo havadi kusimudza munwe kuti vaibvise. “Vanoita zvinhu zvose kuti vaonekwe navanhu. Vanotambanudza mafirakiteri avo uye vanorebesa pfunha dzenguo dzavo. Vanoda zvigaro zvapamberi pamitambo nezvigaro zvapamusoro-soro mumasinagoge. Vanofarira kukwaziswa pamisika uye kuti vanzi ‘Rabhi’ navanhu.
Mateo 23:1-7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu.
Mateo 23:1-7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu akati kuhuzhinji hwavanhu uye kuna vadzidzi vake, “Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vagere pachigaro chaMosesi saka itai nokuchengeta zvose zvavanokuudzai asi kwete zvavanoita nokuti ivo havaiti zvavanoparidza. Vanotakudza vanhu mitoro isingatakuriki vachiisa pamafudzi avanhu asi ivo pachavo havadi kuibata kana nomune wavo zvawo. Zvavanoita zvose, vanozviita kuti vaonekwe navanhu nokuti vanopamhamisa tubhokisi twavo twemitemo nokurebesa mhaswa dzapahanzu dzavo. Vanoda nzvimbo dzapamusoro pamabiko nezvigaro zvakanakisisa mumasinagogu, nokukwaziswa pamisika nokudaidzwa navanhu kuti mudzidzisi.
Mateo 23:1-7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Jesu wakataura kuʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati: Ʋanyori naʋaFarise ʋagere pacigaro caMosesi; saka ɀose ɀaʋanokuʋudzai, muɀiite nokuɀiceŋgeta, asi musateʋera maɓasa aʋo; nokuti ʋanotaura, asi haʋaiti. Ʋanosuŋga mitoro inorema, inotambudza kutakura, ʋaciiisa pamafudzi aʋanhu, asi iʋo ʋamene haʋaɗi kuiɓata nomunwe waʋo. Asi maɓasa aʋo ose ʋanoaita kuti ʋaʋonekwe naʋanhu; nokuti ʋanofarisa mafirakitera aʋo, ʋanokurisa mipeto yeŋguʋo dzaʋo, ʋanofarira ɀigaro ɀapamberi pamitambo, neɀigaro ɀapamberi mumasingagoge, nokukwaziswa paɗare, nokuidzwa Rabi naʋanhu.
Mateo 23:1-7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)