Mateu 23:1-7
Mateu 23:1-7 SNA2002
Zvino Jesu akataura kuvanhu vazhinji navadzidzi vake, akati, “Vanyori navaFarisi vagere pachigaro chaMosesi; saka zvose zvavanokuudzai, muzviite nokuzvichengeta, asi musatevera mabasa avo; nokuti vanotaura, asi havaiti. Vanosunga mitoro inorema, inotambudza kutakura, vachiisa pamafudzi avanhu, asi ivo vamene havadi kuibata nomunwe wavo. Asi mabasa avo ose vanoaita kuti vaonekwe navanhu; nokuti vanofarisa mafirakitera avo, vanokurisa mipeto yenguo dzavo, vanofarira zvigaro zvapamberi pamitambo, nezvigaro zvapamberi mumasinagoge, nokukwaziswa padare, nokunzi, ‘Rabhi’ navanhu.

