Mateu 23:1-7
Mateu 23:1-7 SCLB
Jesu akati kuhuzhinji hwavanhu uye kuna vadzidzi vake, “Nyanzvi dzomutemo navaFarisei vagere pachigaro chaMosesi saka itai nokuchengeta zvose zvavanokuudzai asi kwete zvavanoita nokuti ivo havaiti zvavanoparidza. Vanotakudza vanhu mitoro isingatakuriki vachiisa pamafudzi avanhu asi ivo pachavo havadi kuibata kana nomune wavo zvawo. Zvavanoita zvose, vanozviita kuti vaonekwe navanhu nokuti vanopamhamisa tubhokisi twavo twemitemo nokurebesa mhaswa dzapahanzu dzavo. Vanoda nzvimbo dzapamusoro pamabiko nezvigaro zvakanakisisa mumasinagogu, nokukwaziswa pamisika nokudaidzwa navanhu kuti mudzidzisi.

