Ruka 1:24-56
Ruka 1:24-56 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Shure kwaizvozvo, mukadzi wake Erizabheti akava nemimba uye akazvivanza kwemwedzi mishanu. Akati mumwoyo make, “Ishe andiitira izvi. Mumazuva ano akaratidza nyasha dzake uye akabvisa kunyadziswa kwangu pakati pavanhu.” Mumwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuNazareta, guta riri muGarirea, kumhandara yakanga yatsidzirwa kuwanikwa nomurume ainzi Josefa, chizvarwa chaDhavhidhi. Zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akasvika kwaari akati, “Kwaziwa, iwe wakanzwirwa nyasha zvikuru! Ishe anewe.” Maria akatambudzika zvikuru namashoko ake uye akashamiswa kuti kukwazisa kwakadai ndekworudzii. Asi mutumwa akati kwaari, “Usatya, Maria, iwe wanzwirwa nyasha naMwari. Uchava nomwana uye uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rokuti Jesu. Achava mukuru uye achanzi Mwanakomana weWokumusoro-soro. Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi, uye achatonga pamusoro peimba yaJakobho nokusingaperi; umambo hwake hahungatongogumi.” Maria akabvunza mutumwa akati, “Ko, izvi zvichaitika seiko sezvo ini ndiri mhandara?” Mutumwa akapindura achiti, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, uye simba reWokumusoro-soro richakufukidza. Saka mutsvene achazvarwa achanzi Mwanakomana waMwari. Kunyange hama yako Erizabheti achava nomwana pamazuva okukwegura kwake, uye mwedzi uno ndowechitanhatu kuna iye ainzi asingabereki. Nokuti hakuna chinhu chisingagonekwi naMwari.” Maria akati, “Ini ndiri muranda waShe. Ngazviitike hazvo kwandiri sezvamareva.” Ipapo mutumwa akabva paari. Panguva iyoyo Maria akagadzirira ndokukurumidza kuenda kune rimwe guta romunyika yezvikomo yeJudhea, uko kwaakasvikopinda mumba maZekaria akakwazisa Erizabheti. Erizabheti akati anzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu make, ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene. Akadanidzira nenzwi guru achiti, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, uye akaropafadzwa mwana wauchazvara! Asi ini ndanzwirwawo nyasha seiko, zvokuti mai vaShe wangu vauye kwandiri? Pangosvika inzwi rokukwazisa kwenyu munzeve dzangu mwana ari mudumbu mangu abva akwakuka nomufaro. Akaropafadzwa iye akatenda kuti zvakataurwa kwaari naShe zvichaitika!” Maria akati: “Mwoyo wangu unokudza Ishe uye mweya wangu unofara muna Mwari Muponesi wangu, nokuti akanga ane hanya nokuninipiswa kwomurandakadzi wake. Kubva zvino marudzi ose achanditi ndakaropafadzwa, nokuti Iye Wamasimba andiitira zvinhu zvikuru, zita rake idzvene. Ngoni dzake dzinosvika kuna avo vanomutya, kubva kune chimwe chizvarwa kusvikira kune chimwe chizvarwa. Iye akaita mabasa esimba noruoko rwake; akaparadzira avo vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo, asi akasimudzira vanozvininipisa. Akagutsa vane nzara nezvinhu zvakanaka, asi akadzinga vapfumi vasina chinhu. Akabatsira muranda wake Israeri, achirangarira kuva nengoni, kuna Abhurahama nezvizvarwa zvake nokusingaperi, kunyange sezvaakareva kumadzibaba edu.” Maria akagara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu uye mushure maizvozvo akazodzokera zvake kumusha.

Ruka 1:24-56 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mazuva iwayo akati apfuura, Erizabheti mukadzi wake akava napamuviri, akazvivanza mwedzi mishanu, achiti, “Ndizvo zvandakaitirwa naIshe namazuva aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwangu pakati pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu mutumwa Gabhurieri akatumwa naMwari kuguta reGariria, rinonzi Nazareta, kumhandara yakanga yakaroorwa nomurume, ainzi Josefa, weimba yaDhavhidhi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumwa akapinda kwaari, akati, “Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe anewe!” Iye akavhunduswa kwazvo neshoko iro, akafunga kuti kukwazisa kwakadaro ndokweiko. Ipapo mutumwa akati kwaari, “Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMwari. Tarira, uchava napamuviri, uchazvara mwanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye achava mukuru, achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro; Ishe Mwari achamupa chigaro choushe chababa vake Dhavhidhi. Achatonga imba yaJakobho nokusingaperi, noushe hwake hahungavi nomugumo.” Ipapo Maria akati kumutumwa, “Izvozvi zvingava seiko, zvandisingazivi murume?” Mutumwa akapindura, akati kwaari, “Mweya Mutsvene achauya pamusoro pako, nesimba roWokumusorosoro richakufukidza; saka icho chitsvene chichaberekwa chichanzi, Mwanakomana waMwari. Uye tarira, Erizabheti, hama yako, naiye wava napamuviri pomwanakomana pakuchembera kwake; mwedzi uno wava wechitanhatu kuna iye ainzi haabereki. “Nokuti hakuna shoko raMwari richashaiwa simba.” Ipapo Maria akati, “Tarirai, ndiri mushandiri waIshe; ndiitirwe hangu sezvamataura.” Mutumwa akabva kwaari. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudhea; akapinda mumba maZekariya, akakwazisa Erizabheti. Zvino Erizabheti akati achinzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akakwakuka mudumbu rake; ipapo Erizabheti akazadzwa noMweya Mutsvene, akadana nezwi guru, akati, “Wakaropafadzwa iwe pakati pavakadzi, nomwana wemimba yako akakomborerwazve! Zvaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai vaIshe wangu? Nokuti, tarira, izwi rokukwazisa kwako rakati richisvika munzeve dzangu, mwana akakwakuka nomufaro mudumbu rangu. Wakaropafadzwa iwe nokuti wakatenda, kuti zvakataurwa naIshe kwauri zvichaitika.” Maria akati, “Mwoyo wangu unokudza Ishe, Mweya wangu wakafara naMwari, Muponesi wangu; Zvaakaona urombo hwomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva zvino marudzi ose achanditi, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo anamasimba akandiitira zvinhu zvikuru; Zita rake idzvene. Ngoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Avanhu vanomutya. Wakaratidza simba rake noruoko rwake; Akaparadza vaizvikudza mundangariro dzemwoyo yavo; Wakabvisa madzimambo pazvigaro zvavo zvoushe, Akasimudza vakaninipiswa; Vane nzara akavagutsa nezvakanaka, Akadzosera vapfumi vasina; Akabatsira Isiraeri, muranda wake, Kuti arangarire ngoni dzake, Sezvaakareva kumadzibaba edu, Kuna Abhurahamu nokurudzi rwake nokusingaperi.” Maria akagara naye mwedzi inenge mitatu, akadzokera kumusha kwake.
Ruka 1:24-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.” Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti, kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.” Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi. Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake. Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu. “Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.” Maria ndokubva atiwo; “Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose, mweya wanguwo unopembera norufaro Mwari Muponesi wangu. Nokuti akarangarira iniwo zvangu murandanhando wake. Chionai kuti kubvira zvino, zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi; ‘Wakakomborerwa,’ nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru, zita rake rinoera. Anonzwira tsitsi vanomutya, kubvira kuchizvarwa nechizvarwa. Akaita zvina masimba noruoko rwake, akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo. Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe, achisimudzira pamusoro vakazvirereka. Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka, vapfumi akavaendesa vasina chavanacho. Akarangarira tsitsi dzake akabatsira Isiraeri muranda wake. Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu, kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.” Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.
Ruka 1:24-56 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mazuʋa iwayo akati apfuʋura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akaɀiʋanza mŋedzi mishanu, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa naShe namazuʋa aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwaŋgu pakati paʋanhu. Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, kumhandara yakaŋga yanyeŋgwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDavidi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumŋa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe unewe! Iye akavunduswa kwaɀo neshoko iro, akafuŋga kuti kukwazisa kwakaɗaro ndokweiko. Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari. Namazuʋa iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudea; akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. Ɀino Erisabete wakati acinzwa kukwazisa kwaMaria, mŋana akakwakuka muɗumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMŋeya Mutȿene, akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu? Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti ɀakataurwa naShe kwaari ɀicaitika. Maria akati: Mŋoyo waŋgu unokudza Ishe, Mŋeya waŋgu wakafara naMŋari, Muponesi waŋgu; Ɀaakaʋona ʋurombo bgomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva ɀino marudzi ose acati, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo unamasimba wakandiitira ɀinhu ɀikuru; Zita rake idɀene. Ŋgoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Aʋanhu ʋanomutya. Wakaratidza simba rake noruʋoko rwake; Wakaparadza ʋaiɀikudza mundaŋgariro dzemŋoyo yaʋo; Wakabvisa madzimambo paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe, Akasimudza ʋakaninipiswa; Ʋanenzara wakaʋagutsa neɀakanaka, Akadzosera ʋafumi ʋasina; Wakaɓatsira Israeri, muranda wake, Kuti araŋgarire ŋgoni dzake, (Seɀaakareʋa kumadziɓaɓa eɗu), KunaAbrahama nokurudzi rwake nokusiŋgaperi. Maria akagara naye mŋedzi ineŋge semitatu, akadzokera kumusha kwake.
Ruka 1:24-56 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)