Shure kwaizvozvi, mudzimai wake Erizabheti akava napamuviri akazvivanza kwemwedzi mishanu, achiti, “Ndozvandakaitirwawo naTenzi pamazuva aakandiringa kuti andibvise nyadzi pamberi pavanhu.”
Nomwedzi wechitanhatu, Mwari akatuma mutumwa Gabhurieri kuguta reGarirea rinonzi Nazareti, kumhandara yakanga ichangoroorwa nomurume ainzi Josefi, wemba yaDhavhidhi; zita remhandara iyi rainzi Maria. Mutumwa akauya kwaari akati, “Kwaziwa iwe wakakomborerwa, Tenzi anewe.” Zvakamukangaidza zvikuru kunzwa zvakadai, akashamiswa nazvo kuti kwaziso iyi inoreveyi. Mutumwa waMwari ndokupindura oti, “Usatye zvako Maria, nokuti Mwari afadzwa zvake newe. Chinzwa, uchava napamuviri pauchapona mwana mukomana wauchatumidza zita rokuti Jesu. Iye achava mukuru–mukuru uye achanzi Mwanakomana woWokumusorosoro. Tenzi Mwari achamupa chigaro choumambo chababa vake Dhavhidhi. Achatongawo imba yaJakobho narini narini.” Uyezve umambo hwake hauchazogumi. Maria akati kumutumwa, “Izvi zvichazoitika sei zvandisingazivani nomurume?” Mutumwa ndokumupindura achiti, “Mweya Mutsvene achakuburukira, simba roWokumusorosoro richakufukidza. Naizvozvo mwana wauchapona achanzi mutsvene, Mwanakomana waMwari. Chiona kuti kana hama yakowo Erizabheti, kunyange zvake achembera atova napamuviri pomwana mukomana; mwedzi uno watove mwedzi wechitanhatu kune munhu wainzi imhanje. Nokuti pana Mwari hapana chisingagonekwi.” Maria akati, “Onai ndiri murandakadzi waTenzi, ngazviitwe kuneni sokureva kwenyu.” Mutumwa ndokubva omusia oenda zvake.
Namazuva iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kune rimwe guta rokwaJudha. Akapinda mumba maZakariya, akakwazisa Erizabheti. Erizabheti, paakanzwa kukwazisa kwaMaria, mwana akabva akwakuka mudumbu make. Erizabheti akabva azadzwa naMweya Mutsvene, ndokutaura nezwi riri pamusoro achiti, “Makakomborerwa pana vakadzi vose, akakomborerwawo mwana wemimba yenyu. Ko, zvandibvira nepikowo kuti ndishanyirwe kudai naAmai vaTenzi wangu. Chionaika kuti pandangonzwa izwi rokundikwazisa kwenyu, mwana abva akwakuka norufaro rukuru mudumbu mangu.
“Makakomborerwa zvenyu, nokuti makatenda kuti zvakataurwa kwamuri, zvichibva kuna Tenzi, zvichazoitika.”
Maria ndokubva atiwo;
“Ini ndinokurumbidzai, Tenzi, nemwoyo wangu wose,
mweya wanguwo unopembera norufaro
Mwari Muponesi wangu.
Nokuti akarangarira iniwo zvangu
murandanhando wake.
Chionai kuti kubvira zvino,
zvizvarwa zvose zvavanhu zvichanditi;
‘Wakakomborerwa,’
nokuti iye Samasimba akandiitira zvinhu zvikuru,
zita rake rinoera.
Anonzwira tsitsi vanomutya,
kubvira kuchizvarwa nechizvarwa.
Akaita zvina masimba noruoko rwake,
akaparadza vanozvikudza mundangariro dzemwoyo yavo.
Akabvisa vatongi pazvigaro zvavo zvoushe,
achisimudzira pamusoro vakazvirereka.
Vane nzara akavagutsa nezvinhu zvakanaka,
vapfumi akavaendesa vasina chavanacho.
Akarangarira tsitsi dzake
akabatsira Isiraeri muranda wake.
Sokutaura kwaakamboita kumadzitateguru edu,
kuna Abhurahamu nezvizvarwa zvake, nokusingaperi.”
Maria akazogara naErizabheti kwemwedzi inenge mitatu, ndokuzodzokera hake kumusha kwake.