Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 1:24-56

Ruka 1:24-56 SUB1949

Mazuʋa iwayo akati apfuʋura, Erisabete mukadzi wake akatora mimba, akaɀiʋanza mŋedzi mishanu, aciti: Ndiɀo ɀandakaitirwa naShe namazuʋa aakanditarira, kuti abvise kunyadzwa kwaŋgu pakati paʋanhu. Nomŋedzi wecitanhatu mutumŋa Gabrieri wakatumŋa naMŋari kuguta reGarirea, rinonzi Nazareta, kumhandara yakaŋga yanyeŋgwa nomurume, wainzi Josefa, weimba yaDavidi; zita remhandara rainzi Maria. Mutumŋa akapinda kwaari, akati: Kwaziwa, iwe wakaropafadzwa, Ishe unewe! Iye akavunduswa kwaɀo neshoko iro, akafuŋga kuti kukwazisa kwakaɗaro ndokweiko. Ipapo mutumŋa akati kwaari: Usatya Maria, nokuti wanzwirwa nyasha naMŋari. Tarira, ucaʋa nemimba, ucaɀara mŋanakomana, ugomutumidza zita rinonzi Jesu. Iye ucaʋa mukuru, ucanzi Mŋanakomana woWokumsoro‐soro; Ishe Mŋari ucamupa cigaro coʋushe caɓaɓa ʋake Davidi. Ucaɓata imba yaJakobo nokusiŋgaperi, noʋushe bgake habguŋgaʋi nomugumo. Ipapo Maria akati kumutumŋa: Iɀoɀi ɀiŋgaʋa seiko, ɀandisiŋgaziʋi murume? Mutumŋa akapindura, akati kwaari: Mŋeya Mutȿene ucaʋuya pamsoro pako, nesimba roWokumsoro‐soro ricakufukidza; saka ico citȿene cicaɓerekwa cicanzi: Mŋanakomana waMŋari. Ʋuye tarira, Erisabete, hama yako, naiye waʋa nemimba ʋo yomŋanakomana pakucembera kwake; mŋedzi uno waʋa wecitanhatu kunaiye wainzi haaɓereki. Nokuti hakuneshoko raMŋari ricashaiwa simba. Ipapo Maria akati: Tarirai, ndiri mushandiri waShe; ndiitirwe haŋgu seɀamataura. Mutumŋa akabva kwaari. Namazuʋa iwayo Maria akasimuka, akakurumidza kuenda kunyika yamakomo, kuguta reJudea; akapinda mumba maZakaria, akakwazisa Erisabete. Ɀino Erisabete wakati acinzwa kukwazisa kwaMaria, mŋana akakwakuka muɗumbu rake; ipapo Erisabete akazadzwa noMŋeya Mutȿene, akaɗana nenzwi guru, akati: Wakaropafadzwa iwe pakati paʋakadzi, neciɓereko ceɗumbu rako cakaropafadzwa! Ɀaita seiko kwandiri, kuti ndamutswa namai ʋaShe waŋgu? Nokuti, tarira, inzwi rokukwazisa kwako rakati riciȿika munzeʋe dzaŋgu, mŋana akakwakuka nomufaro muɗumbu raŋgu. Wakaropafadzwa iye mukadzi wakatenda, nokuti ɀakataurwa naShe kwaari ɀicaitika. Maria akati: Mŋoyo waŋgu unokudza Ishe, Mŋeya waŋgu wakafara naMŋari, Muponesi waŋgu; Ɀaakaʋona ʋurombo bgomushandiri wake; Nokuti, tarira, kubva ɀino marudzi ose acati, ndakaropafadzwa; Nokuti uyo unamasimba wakandiitira ɀinhu ɀikuru; Zita rake idɀene. Ŋgoni dzake dziri kumarudzi namarudzi Aʋanhu ʋanomutya. Wakaratidza simba rake noruʋoko rwake; Wakaparadza ʋaiɀikudza mundaŋgariro dzemŋoyo yaʋo; Wakabvisa madzimambo paɀigaro ɀaʋo ɀoʋushe, Akasimudza ʋakaninipiswa; Ʋanenzara wakaʋagutsa neɀakanaka, Akadzosera ʋafumi ʋasina; Wakaɓatsira Israeri, muranda wake, Kuti araŋgarire ŋgoni dzake, (Seɀaakareʋa kumadziɓaɓa eɗu), KunaAbrahama nokurudzi rwake nokusiŋgaperi. Maria akagara naye mŋedzi ineŋge semitatu, akadzokera kumusha kwake.

Verenga chikamu Ruka 1