Kuungudza kwaJeremia 2:19 - Compare All Versions
Kuungudza kwaJeremia 2:19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Simuka, danidzira usiku, panotanga varindi vousiku; durura mwoyo wako semvura pamberi paShe. Simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pamavambo enzira dzose.
Kuungudza kwaJeremia 2:19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Muka, danidzira usiku, pakutanga kwenguva dzose; durura mwoyo wako semvura pamberi paJehovha; simudzira maoko ako kwaari nokuda kwoupenyu hwavana vako, vanoziya nenzara pakuvamba kwenzira imwe neimwe yomuguta.
Kuungudza kwaJeremia 2:19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Simuka ucheme usiku pakutanga panguva dzakasiyana-siyana dzokugaririra, durura zviri pamwoyo pako semvura mberi kwaTenzi. Simudzira maoko ako kwaari kuitira upenyu hwavana vako vari kurezuka nenzara pakona yoga yomugwagwa.
Kuungudza kwaJeremia 2:19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Muka, ɗanidzira ʋusiku, pakutaŋga kweŋguʋa dzose; Ƌurura mŋoyo wako semvura pamberi paJehova; Simudzira maʋoko ako kwaari nokuɗa kwoʋupenyu bgaʋanana ʋako, ʋanoziya nenzara pakuʋamba kwenzira imŋe neimŋe yomuguta.
Kuungudza kwaJeremia 2:19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)