Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 2:1-10

Jobho 2:1-10 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Pakaitazve rimwe zuva rokuti vana vaMwari vakauya kuzozviratidza pana Tenzi. Satani akauyawo ari mukati mavo kuzozviratidza kunaTenzi. Tenzi akati kuna Satani, “Uri kubvepiko?” Satani akapindura Tenzi achiti, “Ndanga ndichidzengerera nenyika ndichifamba-famba zvangu mairi.” Tenzi akati kuna Satani, “Wakazombofungisisa here nezvomuranda wangu Jobhu kuti hakuna akafanana naye panyika. Munhu akarurama, ari pachokwadi anotya Mwari uye anonzvenga uipi?” Munhu anoramba akasimba paururami kunyange wakandiitisa kuti ndimuparadze pasina chikonzero. Satani akapindura Tenzi achiti, “Ganda ngariitwe mutengano webveni neganda. Pane zvoupenyu, munhu anoripa nazvose zvaanazvo. Ingotambanudzai zvenyu ruoko rwenyu mubate bvupa rake kana nyama yake, anokutukai imi, muripo kudai.” Tenzi akati kuna Satani, “Hoyoka ari mumaoko mako asi upenyu hwake huchengetedze.” Naizvozvo Satani akabva abva pana Tenzi akandorarisa Jobhu namaronda akaipa kubvira mutsoka kusvika mumusoro make. Jobhu akatora chaenga chaaizvikwenya nacho achigara zvake kumadota. Mudzimai wake akamuti, “Mucharamba makangoomererana noururami hwenyu here? Dai matoshonha zvenyu Mwari mufe.” Asi Jobhu akati kwaari, “Inga unotaura serimwe benzi ravakadzi. Saka tinofanira kungogamuchira zvakanaka chete kuna Mwari asi zvakaipa torega nhai?” Muna zvose izvozvi Jobhu hapana chaakataura nomuromo wake chaakatadzira nacho Mwari.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Jobho 2