Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobo 2:1-10

Jobo 2:1-10 SUB1949

Ɀino rimŋe zuʋa ɀe ʋanakomana ʋaMŋari ʋakati ʋacindomira pamberi paJehova, Satani akaȿika ʋo pakati paʋo, akamira pamberi paJehova. Jehova akati kunaSatani: Wabvepiko? Satani akapindura Jehova, akati: Ndabva pakupota‐pota nenyika, napakufamba‐famba pairi. Jehova akati kunaSatani: Wacerekedza muranda waŋgu Jobo here? Nokuti hakunomunhu wakafanana naye panyika, munhu wakakwana, wakarurama, unotya Mŋari, acinɀeŋga ɀakaipa; naɀino unorambira pakururama kwake, kunyaŋge iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asinemhaka. Satani akapindura Jehova, akati: Ganda rinotsibga neganda, ɀose ɀaanaɀo munhu uŋgaɀiisira ʋupenyu bgake. Asi tambanudzai ruʋoko rwenyu ɀino, muroʋe mafupa ake nenyama yake, ipapo ucakushoʋorai pacena. Jehova akati kunaSatani: Tarira, iye uri paruʋoko rwako; asi kwoga urege ʋupenyu bgake. Naiɀoɀo Satani akabva pamberi paJehova, akaroʋa Jobo namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kuȿikira pamusoro wake. Akatora caeŋga akaɀikwenya naco; akagara pasi pakati pamaɗota. Ipapo mukadzi wake akati kwaari: Ucarambira naɀino pakururama kwako here? Shoʋora Mŋari, ufe hako. Asi iye wakati kwaari: Iwe unotaura seɀinotaura mumŋe waʋakadzi mapenzi. Tiŋgagamucira ɀakanaka ɓedzi paruʋoko rwaMŋari, tikasagamucira ɀakaipa ʋo here? Paɀinhu iɀi ɀose Jobo haana‐kutadza nomuromo wake.

Verenga chikamu Jobo 2