Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jobho 2:1-10

Jobho 2:1-10 SNA2002

Zvino rimwe zuvazve vanakomana vaMwari vakati vachindomira pamberi paJehovha, Satani akasvikawo pakati pavo, akamira pamberi paJehovha. Jehovha akati kuna Satani, “Wabvepiko?” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ndabva pakupota-pota nenyika, napakufamba-famba pairi.” Jehovha akati kuna Satani, “Wacherekedza muranda wangu Jobho here? Nokuti hakuna munhu akafanana naye panyika, munhu akakwana, akarurama, anotya Mwari, achinzvenga zvakaipa; nazvino anorambira pakururama kwake, kunyange iwe wakandikurudzira kuti ndimuparadze asine mhaka.” Satani akapindura Jehovha, akati, “Ganda rinotsihwa neganda, zvose zvaanazvo munhu angazviisira upenyu hwake. Asi tambanudzai ruoko rwenyu zvino, murove mapfupa ake nenyama yake, ipapo achakushorai pachena.” Jehovha akati kuna Satani, “Tarira, iye ari paruoko rwako; asi kwoga urege upenyu hwake.” Naizvozvo Satani akabva pamberi paJehovha, akarova Jobho namaronda akaipa, kubva patsoka dzake kusvikira pamusoro wake. Jobho akatora chaenga akazvikwenya nacho; akagara pasi pakati pamadota. Ipapo mukadzi wake akati kwaari, “Ucharambira nazvino pakururama kwako here? Shora Mwari, ufe hako.” Asi iye akati kwaari, “Iwe unotaura sezvinotaura mumwe wavakadzi mapenzi. Tingagamuchira zvakanaka bedzi paruoko rwaMwari, tikasagamuchira zvakaipawo here?” Pazvinhu izvi zvose Jobho haana kutadza nomuromo wake.

Verenga chikamu Jobho 2