Jeremia 33:14-17
Jeremia 33:14-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Mazuva anouya,’ ndizvo zvinotaura Jehovha, andichazadzisa chivimbiso chenyasha chandakaita kuimba yaIsraeri nokuimba yaJudha. “ ‘Mumazuva iwayo uye nenguva iyoyo ndichameresa Davi rakarurama rinobva kurudzi rwaDhavhidhi; iye achatonga nyika nokururamisira uye nokururama. Mumazuva iwayo Judha achaponeswa, uye Jerusarema richagara rakachengetedzeka. Iri ndiro zita rarichatumidzwa: Jehovha Ndiye Kururama Kwedu.’ Nokuti zvanzi naJehovha: ‘Dhavhidhi haangatongoshayiwi munhu angagara pachigaro choushe cheimba yaIsraeri
Jeremia 33:14-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha. “Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika. Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, ‘Jehovha ndiye kururama kwedu.’ “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri
Jeremia 33:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“Chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya andichazadzisa nawo zvandakavimbisa imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndichaita kuti rimwe Bukira rakarurama ritunge kuitira Dhavhidhi. Iye achazotonga zvine ruenzaniso nokururama munyika iyoyi. Namazuva iwayo nyika yokwaJudha ichaponeswa, Jerusaremu igonyatsogarika. Izvozvo zita raichazenge yava kudaidzwa naro nderiri rokuti: ‘Tenzisakururamakwedu.’ Chinodariso ndechokuti zvanzi naTenzi, Dhavhidhi haasi kuzomboshaya murume wokwake wokugara pachigaro choumambo hweIsiraeri
Jeremia 33:14-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicaita shoko iro rakanaka randakataura pamsoro peimba yaIsraeri napamsoro peimba yaJuda. Namazuʋa iwayo, neŋguʋa iyo, ndicamedzera Davidi ɗaʋi rokururama; iye ucaruramisira ʋanhu nokuita ɀakarurama panyika. Namazuʋa iwayo Juda ʋacaponeswa, Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa; zita raricatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu. Nokuti ɀanzi naJehova: Davidi haaŋgatoŋgoshaiwi munhu unogara pacigaro coʋushe ceimba yaIsraeri
Jeremia 33:14-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)