Jeremiya 33:14-17
Jeremiya 33:14-17 SCLB
“Chinzwai, zvanzi naTenzi, mazuva ari kuuya andichazadzisa nawo zvandakavimbisa imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha. Mumazuva iwayo uye panguva iyoyo, ndichaita kuti rimwe Bukira rakarurama ritunge kuitira Dhavhidhi. Iye achazotonga zvine ruenzaniso nokururama munyika iyoyi. Namazuva iwayo nyika yokwaJudha ichaponeswa, Jerusaremu igonyatsogarika. Izvozvo zita raichazenge yava kudaidzwa naro nderiri rokuti: ‘Tenzisakururamakwedu.’ Chinodariso ndechokuti zvanzi naTenzi, Dhavhidhi haasi kuzomboshaya murume wokwake wokugara pachigaro choumambo hweIsiraeri

