Jeremiya 33:14-17
Jeremiya 33:14-17 SNA2002
“Tarirai, mazuva anouya, ndizvo zvinotaura Jehovha, andichaita shoko iro rakanaka randakataura pamusoro peimba yaIsiraeri napamusoro peimba yaJudha. “Namazuva iwayo, nenguva iyo, ndichamedzera Dhavhidhi davi rokururama; iye ucharuramisira vanhu nokuita zvakarurama panyika. Namazuva iwayo Judha vachaponeswa, Jerusaremu richagara rakachengetwa; zita rarichatumidzwa ndireri, ‘Jehovha ndiye kururama kwedu.’ “Nokuti zvanzi naJehovha, ‘Dhavhidhi haangatongoshaiwi munhu unogara pachigaro choushe cheimba yaIsiraeri

