Isaya 43:1-25
Isaya 43:1-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu. Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako. Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako. Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira. Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika, vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.” Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi. Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” “Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu. Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi. Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari. Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?” Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo. Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji, iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje: “Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura. Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango. Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu, vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. “Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri. Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira. Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako. “Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.
Isaya 43:1-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Asi zvino zvanzi naJehovha, akakusika, iwe Jakobho, akakuumba, iwe Isiraeri, “Usatya hako, nokuti ndini ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako, uri wangu. “Kana uchipinda nomumvura zhinji, ndichava newe, kana nomunzizi, hadzingakunyudzi; kana uchifamba nomumoto, haungatsvi, nomurazvo haungakupisi. Nokuti ndini Jehovha Mwari wako; ndakaisa Ijipiti ruve rudzikinuro rwako, Itiopia neShebha panzvimbo yako. “Zvawakanga uchikosha pamberi pangu, uchikudzwa nokudikanwa neni, naizvozvo ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu panzvimbo youpenyu hwako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako vabve kumabvazuva, nokukuunganidza ubve kumavirazuva; ndichati kurutivi rwokumusoro, varege; nokurutivi rwezasi, usavadzivisa; uyai navanakomana vangu vari kure, navakunda vangu vari kumigumo yenyika; mumwe nomumwe anodanwa nezita rangu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaumba, zvirokwazvo, wandakaita.” Uyai namapofu, ana meso hawo, nematsi, dzine nzeve hadzo. Marudzi ose ngaaunganidzwe pamwechete, navanhu vakokerwe; ndianiko pakati pavo angatiudza izvozvi, angatiratidza zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo, varuramiswe; ngavanzwe, vati, “Ichokwadi.” Zvanzi naJehovha, “Ndimi zvapupu zvangu, nomuranda wangu, wandakasanangura; kuti muzive, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakuna mumwe mwari wakanditangira pakuumbwa, shure kwangu hakungazovipo mumwe. Ini, iyeni, ndiJehovha, kunze kwangu hakuna mumwe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakanga kusina mwari wokumwe pakati penyu; saka imi muri zvapupu zvangu, neni ndiri Mwari, ndizvo zvinotaura Jehovha. Zvirokwazvo, kubva zuva ranhasi ndini iye; hakuna angwarwira munhu paruoko rwangu; ini ndichabata basa, ndiani angandidzivisa?” Zvanzi naJehovha, Mudzikinuri wenyu, Mutsvene waIsiraeri, “Ndakatuma vanhu Bhabhironi, nokuda kwenyu, ndichavaburitsa vose vachitiza, ivo vaKaradhea muzvikepe zvavo zvomufaro. Ndini Jehovha, Mutsvene wenyu, Musiki waIsiraeri, Mambo wenyu.” Ndizvo zvinotaura Jehovha, anoita nzira mugungwa, negwara pakati pemvura zhinji ine simba; anobudisa ngoro nebhiza, nehondo neane simba; vanovata pasi pamwechete, havangamukizve; havachapfuti, vadzimwa somwenje. Musarangarira zvinhu zvakapfuura, musafunga zvinhu zvakare. Tarirai, ndichaita chinhu chitsva; chobuda zvino; hamungachizivi here? Ndichaita nzira murenje, nenzizi musango. Mhuka dzebundo dzichandikudza, makava nemhou; nokuti ndinobudisa mvura zhinji murenje, nenzizi musango, kuti ndipe vanhu vangu, ivo vakasanangurwa, vanwe, ivo vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu. Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; asi wakaneta neni, iwe Isiraeri. Hauna kundivigira makwai ako zvive zvipiriso zvingapiswa; hauna kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza kuti uuye nezvipiriso zvoupfu, handina kukunetsa ndichiti uuye nezvinonhuwira. Hauna kunditengera ipwa nemari, hauna kundigutisa namafuta ezvibayiro zvako; asi wakandiremedza nezvivi zvako, wakandinetsa nezvakaipa zvako. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako nokuda kwangu, handicharangariri zvivi zvako.
Isaya 43:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Asi pari zvino zvanzi naTenzi, Iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Isiraeri “Rega zvako kutya nokuti ndakakununura, ndikakudaidza nezita, uri wangu. “Paunopfuura nomumvura zhinji ndichave newe, kana ukapfuura nomunzizi hadzikutore, kana ukafamba nomumoto haukupisi, rimi romoto harikuroromesi. Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndini Mwari wako iye Anoera waIsiraeri mununuri wako. Ndiri kupa Ijipiti kuti ive chokukutsikinurisa nacho, Itiopia neSebha dzive dzokutsiva iwewe, nokuti kwandiri, iwe wakakosha unoremekedzeka uye ndinokuda. Ndinobvisa vanhu kukutenga iwe, vanhu vokutsinhanisa noupenyu hwako Usatye nokuti ndinewe, vana vako ndichavaunza kubva kumabvazuva ndichikukokorodzai kubva kumadokero. Ndichati kune vokuchamhembe, regai vanhu ava; kune vokumaodzanyemba ndichiti, musavarambire; unzai vanakomana vangu kubva kure ikoko navanasikana vangu kubva kwakaperera nyika, wose zvake wandakadaidza nezita rangu wandakasikira mbiri yangu wandakaumba, wandakaita.” Uya navo vanhu ivavo, mapofu zvawo asi maziso vainawo, matsi zvadzo asi nzeve vainadzo. Marudzi ose avanhu ngaaungane pamwechete, ndudzi dzavanhu ngadziungane. Ndiani pakati pavo anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi, atirondedzere zvakaitika kare? Ngavauyeka nezvapupu zvavo zvizovapipirira vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu. Ini ndini Tenzi, kunze kwangu hakuna mununuri. Ini ndakataura ndikanunura ndikazviparadza, izvozvo, pakati penyu pakanga pasati pava navamwari vesirivo, imimi ndimi zvapupu zvangu,” ndizvo zviri kutaura Tenzi “Ndini Mwari ini. Namangwana ese ndini Iye ari. Hakuna ane chaanogona kununura mumaoko mangu. Chandinenge ndaita ndiani chaizvo angachidzivise?” Zvanzi naTenzi, Mununuri wako, iye Anoera waIsiraeri, “Pamusana pako iwe ndichatumira vanhu kuBhabhironi kundotyoranisa zvihuri zvose; zhowezhowe revaKaridhea richasandurwa rikava kuchema. Ini ndini Tenzi, iye Anoera wenyu, Musiki weIsiraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naTenzi, iye anoita mugwagwa mugungwa, nenzira mukati memvura ine simba, nyakuunza ngoro nebhiza nehondo nomurwi wayo zvigoti pasi umburu pazvisingagoni kumukazve, zvakadzimwa zvikafuridzwa setambo yerambi “Regai kurangarira zvinhu zvakare kana kufunga zvinhu zvepasichigare, Chionai ndava kuita chinhu chitsva, chava kutoitika. Hamusi kuchiona here? Ndichaita nzira murenje nenzizi mugwenga. Mhuka dzesango dzichandikudza, makava kana mhou; nokuti ndichaita kuti murenje muve nemvura mugwenga muve nenzizi ndichipa mvura yokunwa kuvanhu vangu vandakasarudza, vanhu vangu vandakatozvisikira kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.” “Asi iwe Jakobho hauna kudaidzira kwandiri asi wakatoneta neni iwe Isiraeri. Hauna kundivigira hwayana yako yemipiro yokupisa kana kundiremekedza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nemipiro kana kukunetsa norusenzi. Hauna kunditengera nemari rusenzi runonhuhwirira kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi kutoti wakatonditakudza mutoro wezvitadzo zvako, ukandifinha nouipi hwako. Ini, ini ndini Iye Ari, anodzima zvikanganiso zvako ndichizviita pamusana pangu, zvitadzo zvako ndicharega kuzvirangarira.
Isaya 43:1-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu. Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako. Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa; ndicati kurutiʋi rwokumsoro: Ʋarege; nokurutiʋi rwezasi: Usaʋadziʋisa; ʋuyai naʋanakomana ʋaŋgu ʋari kure, naʋakunda ʋaŋgu ʋari kumigumo yenyika; mumŋe nomumŋe unoɗanwa nezita raŋgu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaʋumba, ɀirokwaɀo, wandakaita. Ʋuyai namapofu, anameso hawo, nematsi, dzinenzeʋe hadzo. Marudzi ose ŋgaaʋuŋganidzwe pamŋe cete, naʋanhu ʋakokerwe; ndianiko pakati paʋo uŋgatiʋudza iɀoɀi, uŋgatiratidza ɀinhu ɀakare? Ŋgaʋaʋuye neɀapupu ɀaʋo, ʋaruramiswe; ŋgaʋanzwe, ʋati: Iɀokwaɗi. Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe. Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe pakati penyu; saka imi muri ɀapupu ɀaŋgu, neni ndiri Mŋari, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀirokwaɀo, kubva zuʋa ranhasi ndini iye; hakuna‐uŋgarwira munhu paruʋoko rwaŋgu; ini ndicaɓateɓasa, ndiani uŋgandidziʋisa? Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wenyu, Mutȿene waIsraeri: Ndakatuma ʋanhu Babironi, nokuɗa kwenyu, ndicaʋaɓurusa ʋose ʋacitiza, iʋo ʋaKardea muɀikepe ɀaʋo ɀomufaro. Ndini Jehova, Mutȿene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu. Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje. Musaraŋgarira ɀinhu ɀapfuʋura, musafuŋga ɀakare. Tarirai, ndicaita cinhu citȿa; coɓuɗa ɀino; hamuŋgaciziʋi here? Ndicaita nzira murenje, nenzizi musaŋgo. Mhuka dzeɓundo dzicandikudza, makaʋa nemhou; nokuti ndinoɓuɗisa mvura zhinji murenje, nenzizi musaŋgo, kuti ndipe ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋakasanaŋgurwa, ʋanwe, iʋo ʋanhu ʋandakaɀiʋumbira, kuti ʋaparidze kurumbidzwa kwaŋgu. Kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuɗana kwandiri, iwe Jakobo; asi wakaneta neni, iwe Israeri. Hauna‐kundiʋigira makwai ako ɀiʋe ɀipiriso ɀiŋgapiswa; hauna‐kundikudza neɀiɓayiro ɀako. Handina‐kukuremedza kuti uʋuye neɀipiriso ɀoʋupfu, handina‐kukunetsa ndiciti uʋuye neɀinonhuwira. Hauna‐kunditeŋgera ipxa nemari, hauna‐kundigutisa namafuta eɀiɓayiro ɀako; asi wakandiremedza neɀiʋi ɀako, wakandinetsa neɀakaipa ɀako. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kuɗarika kwako nokuɗa kwaŋgu, handicaraŋgariri ɀiʋi ɀako.
Isaya 43:1-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)