Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu. Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako. Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa; ndicati kurutiʋi rwokumsoro: Ʋarege; nokurutiʋi rwezasi: Usaʋadziʋisa; ʋuyai naʋanakomana ʋaŋgu ʋari kure, naʋakunda ʋaŋgu ʋari kumigumo yenyika; mumŋe nomumŋe unoɗanwa nezita raŋgu, wandakasika kuti ndikudzwe, wandakaʋumba, ɀirokwaɀo, wandakaita. Ʋuyai namapofu, anameso hawo, nematsi, dzinenzeʋe hadzo. Marudzi ose ŋgaaʋuŋganidzwe pamŋe cete, naʋanhu ʋakokerwe; ndianiko pakati paʋo uŋgatiʋudza iɀoɀi, uŋgatiratidza ɀinhu ɀakare? Ŋgaʋaʋuye neɀapupu ɀaʋo, ʋaruramiswe; ŋgaʋanzwe, ʋati: Iɀokwaɗi. Ɀanzi naJehova: Ndimi ɀapupu ɀaŋgu, nomuranda waŋgu, wandakasanaŋgura; kuti muziʋe, mugonditenda, munzwisise kuti ndini iye; hakunomumŋe mŋari wakanditaŋgira pakuʋumbga, shure kwaŋgu hakuŋgazoʋi’po mumŋe. Ini, iyeni, ndiJehova, kunze kwaŋgu hakunomumŋe muponesi. Ini ndakaparidza, ini ndakaponesa, ini ndakaratidza; kwakaŋga kusinamŋari wokumŋe pakati penyu; saka imi muri ɀapupu ɀaŋgu, neni ndiri Mŋari, ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀirokwaɀo, kubva zuʋa ranhasi ndini iye; hakuna‐uŋgarwira munhu paruʋoko rwaŋgu; ini ndicaɓateɓasa, ndiani uŋgandidziʋisa?
Ɀanzi naJehova, Mudzikinuri wenyu, Mutȿene waIsraeri: Ndakatuma ʋanhu Babironi, nokuɗa kwenyu, ndicaʋaɓurusa ʋose ʋacitiza, iʋo ʋaKardea muɀikepe ɀaʋo ɀomufaro. Ndini Jehova, Mutȿene wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu. Ndiɀo ɀinotaura Jehova, unoita nzira muguŋgwa, negwara pakati pemvura zhinji inesimba; unoɓuɗisa ŋgoro nebiza, nehondo nounesimba; ʋanoʋata pasi pamŋe cete, haʋaŋgamuki ɀe; haʋacapfuti, ʋadzimŋa somŋenje. Musaraŋgarira ɀinhu ɀapfuʋura, musafuŋga ɀakare. Tarirai, ndicaita cinhu citȿa; coɓuɗa ɀino; hamuŋgaciziʋi here? Ndicaita nzira murenje, nenzizi musaŋgo. Mhuka dzeɓundo dzicandikudza, makaʋa nemhou; nokuti ndinoɓuɗisa mvura zhinji murenje, nenzizi musaŋgo, kuti ndipe ʋanhu ʋaŋgu, iʋo ʋakasanaŋgurwa, ʋanwe, iʋo ʋanhu ʋandakaɀiʋumbira, kuti ʋaparidze kurumbidzwa kwaŋgu. Kunyaŋge ɀakaɗaro hauna‐kuɗana kwandiri, iwe Jakobo; asi wakaneta neni, iwe Israeri. Hauna‐kundiʋigira makwai ako ɀiʋe ɀipiriso ɀiŋgapiswa; hauna‐kundikudza neɀiɓayiro ɀako. Handina‐kukuremedza kuti uʋuye neɀipiriso ɀoʋupfu, handina‐kukunetsa ndiciti uʋuye neɀinonhuwira. Hauna‐kunditeŋgera ipxa nemari, hauna‐kundigutisa namafuta eɀiɓayiro ɀako; asi wakandiremedza neɀiʋi ɀako, wakandinetsa neɀakaipa ɀako. Ini, iyeni, ndini ndinodzima kuɗarika kwako nokuɗa kwaŋgu, handicaraŋgariri ɀiʋi ɀako.