Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 43:1-25

Isaya 43:1-25 SCLBD

Asi pari zvino zvanzi naTenzi, Iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Isiraeri “Rega zvako kutya nokuti ndakakununura, ndikakudaidza nezita, uri wangu. “Paunopfuura nomumvura zhinji ndichave newe, kana ukapfuura nomunzizi hadzikutore, kana ukafamba nomumoto haukupisi, rimi romoto harikuroromesi. Ndinodaro nokuti ini Tenzi ndini Mwari wako iye Anoera waIsiraeri mununuri wako. Ndiri kupa Ijipiti kuti ive chokukutsikinurisa nacho, Itiopia neSebha dzive dzokutsiva iwewe, nokuti kwandiri, iwe wakakosha unoremekedzeka uye ndinokuda. Ndinobvisa vanhu kukutenga iwe, vanhu vokutsinhanisa noupenyu hwako Usatye nokuti ndinewe, vana vako ndichavaunza kubva kumabvazuva ndichikukokorodzai kubva kumadokero. Ndichati kune vokuchamhembe, regai vanhu ava; kune vokumaodzanyemba ndichiti, musavarambire; unzai vanakomana vangu kubva kure ikoko navanasikana vangu kubva kwakaperera nyika, wose zvake wandakadaidza nezita rangu wandakasikira mbiri yangu wandakaumba, wandakaita.” Uya navo vanhu ivavo, mapofu zvawo asi maziso vainawo, matsi zvadzo asi nzeve vainadzo. Marudzi ose avanhu ngaaungane pamwechete, ndudzi dzavanhu ngadziungane. Ndiani pakati pavo anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi, atirondedzere zvakaitika kare? Ngavauyeka nezvapupu zvavo zvizovapipirira vanzwe vagoti, “Ichokwadi.” Zvanzi naTenzi, “Imimi ndimi, zvapupu zvangu, iyemi ndimi muranda wangu wandakasarudza kuti mugoziva munditende munzwisise kuti inini ndini iye ari. Hapana mwari akaumbwa ini ndisati ndavepo, kana kuzova nomumwewo zvake mushure mangu. Ini ndini Tenzi, kunze kwangu hakuna mununuri. Ini ndakataura ndikanunura ndikazviparadza, izvozvo, pakati penyu pakanga pasati pava navamwari vesirivo, imimi ndimi zvapupu zvangu,” ndizvo zviri kutaura Tenzi “Ndini Mwari ini. Namangwana ese ndini Iye ari. Hakuna ane chaanogona kununura mumaoko mangu. Chandinenge ndaita ndiani chaizvo angachidzivise?” Zvanzi naTenzi, Mununuri wako, iye Anoera waIsiraeri, “Pamusana pako iwe ndichatumira vanhu kuBhabhironi kundotyoranisa zvihuri zvose; zhowezhowe revaKaridhea richasandurwa rikava kuchema. Ini ndini Tenzi, iye Anoera wenyu, Musiki weIsiraeri, Mambo wenyu.” Zvanzi naTenzi, iye anoita mugwagwa mugungwa, nenzira mukati memvura ine simba, nyakuunza ngoro nebhiza nehondo nomurwi wayo zvigoti pasi umburu pazvisingagoni kumukazve, zvakadzimwa zvikafuridzwa setambo yerambi “Regai kurangarira zvinhu zvakare kana kufunga zvinhu zvepasichigare, Chionai ndava kuita chinhu chitsva, chava kutoitika. Hamusi kuchiona here? Ndichaita nzira murenje nenzizi mugwenga. Mhuka dzesango dzichandikudza, makava kana mhou; nokuti ndichaita kuti murenje muve nemvura mugwenga muve nenzizi ndichipa mvura yokunwa kuvanhu vangu vandakasarudza, vanhu vangu vandakatozvisikira kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.” “Asi iwe Jakobho hauna kudaidzira kwandiri asi wakatoneta neni iwe Isiraeri. Hauna kundivigira hwayana yako yemipiro yokupisa kana kundiremekedza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nemipiro kana kukunetsa norusenzi. Hauna kunditengera nemari rusenzi runonhuhwirira kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi kutoti wakatonditakudza mutoro wezvitadzo zvako, ukandifinha nouipi hwako. Ini, ini ndini Iye Ari, anodzima zvikanganiso zvako ndichizviita pamusana pangu, zvitadzo zvako ndicharega kuzvirangarira.

Verenga chikamu Isaya 43