Asi pari zvino zvanzi naTenzi,
Iye akasika iwe Jakobho,
iye akakuumba iwe Isiraeri
“Rega zvako kutya nokuti ndakakununura,
ndikakudaidza nezita,
uri wangu.
“Paunopfuura nomumvura zhinji
ndichave newe,
kana ukapfuura nomunzizi
hadzikutore,
kana ukafamba nomumoto
haukupisi,
rimi romoto harikuroromesi.
Ndinodaro nokuti
ini Tenzi ndini Mwari wako
iye Anoera waIsiraeri
mununuri wako.
Ndiri kupa Ijipiti kuti
ive chokukutsikinurisa nacho,
Itiopia neSebha dzive
dzokutsiva iwewe,
nokuti kwandiri,
iwe wakakosha
unoremekedzeka
uye ndinokuda.
Ndinobvisa vanhu
kukutenga iwe,
vanhu vokutsinhanisa
noupenyu hwako
Usatye nokuti ndinewe,
vana vako ndichavaunza
kubva kumabvazuva
ndichikukokorodzai
kubva kumadokero.
Ndichati kune vokuchamhembe,
regai vanhu ava;
kune vokumaodzanyemba ndichiti,
musavarambire;
unzai vanakomana vangu
kubva kure ikoko
navanasikana vangu
kubva kwakaperera nyika,
wose zvake wandakadaidza nezita rangu
wandakasikira mbiri yangu
wandakaumba, wandakaita.”
Uya navo vanhu ivavo,
mapofu zvawo
asi maziso vainawo,
matsi zvadzo
asi nzeve vainadzo.
Marudzi ose avanhu
ngaaungane pamwechete,
ndudzi dzavanhu
ngadziungane.
Ndiani pakati pavo
anogona kuzivisa vanhu izvozvi izvi,
atirondedzere zvakaitika kare?
Ngavauyeka nezvapupu zvavo
zvizovapipirira
vanzwe vagoti,
“Ichokwadi.”
Zvanzi naTenzi,
“Imimi ndimi, zvapupu zvangu,
iyemi ndimi muranda wangu
wandakasarudza
kuti mugoziva munditende
munzwisise kuti inini ndini iye ari.
Hapana mwari akaumbwa
ini ndisati ndavepo,
kana kuzova nomumwewo zvake
mushure mangu.
Ini ndini Tenzi,
kunze kwangu hakuna mununuri.
Ini ndakataura ndikanunura
ndikazviparadza,
izvozvo, pakati penyu
pakanga pasati pava navamwari vesirivo,
imimi ndimi zvapupu zvangu,”
ndizvo zviri kutaura Tenzi
“Ndini Mwari ini.
Namangwana ese
ndini Iye ari.
Hakuna ane chaanogona kununura
mumaoko mangu.
Chandinenge ndaita
ndiani chaizvo angachidzivise?”
Zvanzi naTenzi,
Mununuri wako,
iye Anoera waIsiraeri,
“Pamusana pako iwe
ndichatumira vanhu kuBhabhironi
kundotyoranisa zvihuri zvose;
zhowezhowe revaKaridhea
richasandurwa rikava kuchema.
Ini ndini Tenzi,
iye Anoera wenyu,
Musiki weIsiraeri,
Mambo wenyu.”
Zvanzi naTenzi,
iye anoita mugwagwa mugungwa,
nenzira mukati memvura ine simba,
nyakuunza ngoro nebhiza
nehondo nomurwi wayo
zvigoti pasi umburu
pazvisingagoni kumukazve,
zvakadzimwa
zvikafuridzwa setambo yerambi
“Regai kurangarira zvinhu zvakare
kana kufunga zvinhu zvepasichigare,
Chionai ndava kuita chinhu chitsva,
chava kutoitika.
Hamusi kuchiona here?
Ndichaita nzira murenje
nenzizi mugwenga.
Mhuka dzesango dzichandikudza,
makava kana mhou;
nokuti ndichaita kuti
murenje muve nemvura
mugwenga muve nenzizi
ndichipa mvura yokunwa
kuvanhu vangu vandakasarudza,
vanhu vangu vandakatozvisikira
kuti vaite kuti mbiri yangu idhume.”
“Asi iwe Jakobho
hauna kudaidzira kwandiri
asi wakatoneta neni
iwe Isiraeri.
Hauna kundivigira
hwayana yako yemipiro yokupisa
kana kundiremekedza nezvibayiro zvako.
Handina kukuremedza nemipiro
kana kukunetsa norusenzi.
Hauna kunditengera nemari
rusenzi runonhuhwirira
kana kundigutsa
namafuta ezvibayiro zvako.
Asi kutoti wakatonditakudza
mutoro wezvitadzo zvako,
ukandifinha nouipi hwako.
Ini, ini ndini Iye Ari,
anodzima zvikanganiso zvako
ndichizviita pamusana pangu,
zvitadzo zvako
ndicharega kuzvirangarira.