Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 41:1-16

Isaya 41:1-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Nyararai pamberi pangu, imi zviwi! Ndudzi ngadzivandudze simba radzo! Ngadziswedere mberi dzitaure; ngatisanganei pamwe chete panzvimbo inotongerwa mhaka. “Ndianiko akamutsa mumwe kubva kumabvazuva, akamudana nokururama kuushumiri hwake? Anopa ndudzi kwaari, uye anoisa madzimambo pasi pake. Anovashandura vagova guruva nomunondo wake, vagova hundi inopepereswa nemhepo nouta hwake. Anovadzinganisa agopfuurira mberi asina vanga, nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake kare. Ndiani akabata basa iri akaripedza, akadana zvizvarwa kubva pakutanga? Ini, Jehovha, iye wokutanga wavo newokupedzisira, ndini iye.” Zviwi zvakazviona zvikatya; magumo enyika anodedera. Vanoswedera uye vagouya mberi; mumwe nomumwe anobatsira wokwake, achiti kuhama yake, “Simba!” Mhizha inokurudzira mupfuri wegoridhe, uye iye anotsetsenura nenyundo anokurudzira uyo anorova panhera. Anoti kune chakanamwa nomoto, “Ichi chakanaka.” Anoroverera chifananidzo pasi nechipikiri kuti chisazungunuka. “Asi iwe, Israeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasarudza, imi vana vaAbhurahama, shamwari yangu, ndakakutora kubva kumagumo enyika, ndikakudana kubva kumakona ayo ari kure. Ndakati kwauri, ‘Uri muranda wangu,’ ndakakusarudza uye handina kukuramba. Naizvozvo usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndini Mwari wako. Ndichakusimbisa uye ndichakubatsira; ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rwokururama. “Vose vanokutsamwira zvirokwazvo vachanyadziswa uye vachanyara; vose vanokakavadzana newe vachava sechinhu chisipo uye vachaparara. Kunyange ukatsvaka vavengi vako, hauzovawani. Avo vanorwa newe vachava sechinhu chisipo chose. Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, anobata ruoko rwako rworudyi achiti kwauri, Usatya; ndichakubatsira. Usatya Jakobho iwe honye, iwe mudiki Israeri, nokuti ini iyeni ndichakubatsira,” ndizvo zvinotaura Jehovha, Mudzikinuri wako, Mutsvene waIsraeri. “Tarira, ndichakuita mupuro, mutsva unopinza, una meno mazhinji. Uchapura makomo ugoapwanya, uye uchaderedza zvikomo zvikava hundi. Uchaapepeta, achatorwa nemhepo, uye chamupupuri chichaaparadzira. Asi iwe uchafara muna Jehovha, uye uchazvirumbidza muMutsvene waIsraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 41

Isaya 41:1-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Nyararai pamberi pangu, imi zvivi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka. Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paanotsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo. Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake. Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira. Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya. Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, “Tsunga hako mwoyo.” Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, “Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka. “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu, iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, ‘Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.’ Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba. Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara. “Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’ Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikinuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri. Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi. Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 41

Isaya 41:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane. “Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga. Anonyatsovaronda pasina kana chinomuwana nenzira dzaasati ambotsika zvake. Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike, ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa kubvira pakutanga? Ndinika iyeni Tenzi. Ndini iye wokutanga noWokupedzisira. “Nyika dzokumahombekombe kwegungwa dzakazviona dzikatya, vekwakaperera nyika chaiko vakadedera vava kukotonoka kuuya. Vanhu vari kuyamurana mumwe achitaurira mumwe wake kuti, ‘Tsunga mwoyo.’ Mhizha yebasa inokurudzirana nemhizha yezvendarama nowokukwenenzvera achipfura nenyundo neanorova pachisindi achiti kune anonama, ‘Manamiro acho akanaka.’ Vanorovera chifananidzo chokunamata nezvipikiri kuti chirege kuzunguzika. “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, iwe Jakobho wandakasarudza Imi chizvarwa chaAbhurahamu, shamwari yangu. Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika ndikakudaidza kubva kure kure, ndichiti kwauri ‘Iwe uri muranda wangu ndakusarudza handina kukurasa. Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’ “Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri. Chinzwai, ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho chitsva chakapinza china mazino uzopura makomo uchiaparadza, zvikomo uchizviita semarara zvawo. Muchazviurutsa zvigopeperetswa nemhepo zvigomwarariswa nedutu. Asi imi muchazofara zvikuru muri muna Tenzi, muchakurumbira naiye Anoera waIsiraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 41

Isaya 41:1-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Nyararai pamberi paŋgu, imi ɀiwi; ʋanhu ŋgaʋawane simba idɀa, ŋgaʋasweɗere, ipapo ŋgaʋataure; ŋgatisweɗere pamŋe cete kutoŋgerwa mhaka. Ndianiko wakamutsa mumŋe kumabvazuʋa, unokunda pose‐pose paanotsika? Ndianiko unomupa marudzi aʋanhu, acimuɓatisa madzimambo paʋushe bgake? Unoʋaisa pamunondo wake seguruʋa, napaʋuta bgake sehundi inodziŋgwa nemhepo. Unodziŋgana naʋo, ndokupfuʋura hake ɀakanaka nenzira yaasinakumbotsika netsoka dzake. Ndianiko wakaɓate‐ɓasa iro nokuɀiita? Ndiye unoɗana marudzi kubvira pakutaŋga; ini Jehova, wokutaŋga, nouri kunowokupedzisira, ndini iye. Ɀiwi ɀakaʋona, ɀikatya; migumo yenyika inoɗeɗera, inosweɗera, yoʋuya. Mumŋe nomumŋe unoɓatsira wokwake; unoti kuhama yake: Tsuŋga hako mŋoyo. Saiɀoɀo muʋezi unosimbisa mupfuri wendarama, nounopfura nenyundo unosimbisa unoroʋa panhera, aciti pamsoro pokunamatidza: Ɀakanaka; ndokuɀiroʋera nembambo kuti ɀirege kuzunuŋguka. Asi iwe Israeri, muranda waŋgu, Jakobo, wandakasanaŋgura, ʋana ʋaAbrahama shamŋari yaŋgu, iwe wandakatora kumigumo yenyika, ndikakuɗana kumakona ayo, ndikati kwauri: Uri muranda waŋgu, ndakakusanaŋgura, handina‐kukurasha; usatya, nokuti ndinewe; usavunduka, nokuti ndiri Mŋari wako; ndicakusimbisa, ɀirokwaɀo, ndicakuɓatsira; ɀirokwaɀo, ndicakutsigira noruʋoko rwaŋgu rworudyi rwokururama. Tarira, ʋose ʋanokutsamŋira, ʋacanyadziswa ʋaʋe nenyadzi; ʋanokakaʋara newe ʋacaʋa secinhu cisi’po, ʋacaparara. Ucaʋatȿaka, asi hauŋgaʋawani, iʋo ʋanokakaʋara newe; ʋanorwa newe ʋacaʋa secinhu cisi’po, secinhu cisinamaturo. Nokuti ini Jehova, Mŋari wako, ndicaɓata ruʋoko rwako rworudyi, ndiciti kwauri: Usatya, ini ndicakuɓatsira. Usatya, iwe honye Jakobo, nemi ʋarume ʋaIsraeri; ini ndicakuɓatsira, ndiɀo ɀinotaura Jehova, mudzikinuri wako ndiye Mutȿene waIsraeri. Tarira, ndakakuita mupuro mutȿa, unopinza, unameno; ucapura makomo, nokuaputsa‐putsa, ucaita ɀikomo ɀiʋe sehundi. Ucaarudza, acatorwa nemhepo, campupuri cicaaparadzira kwose; iwe ucafarira Jehova, nokuɀirumbidza noMutȿene waIsraeri.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Isaya 41

Isaya 41:1-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)