Nyararai pamberi pangu, imi zvivi; vanhu ngavawane simba idzva, ngavaswedere, ipapo ngavataure; ngatiswedere pamwechete kutongerwa mhaka. Ndianiko wakamutsa mumwe kumabvazuva, anokunda pose-pose paanotsika? Ndianiko anomupa marudzi avanhu, achimubatisa madzimambo paushe hwake? Anovaisa pamunondo wake seguruva, napauta hwake sehundi inodzingwa nemhepo. Anodzingana navo, ndokupfuura hake zvakanaka nenzira yaasina kumbotsika netsoka dzake. Ndianiko akabata basa iro nokuzviita? Ndiye anodana marudzi kubvira pakutanga; ini Jehovha, wokutanga, nowokupedzisira. Zviwi zvakaona, zvikatya; migumo yenyika inodedera, inoswedera, youya. Mumwe nomumwe anobatsira wokwake; anoti kuhama yake, “Tsunga hako mwoyo.”
Saizvozvo muvezi anosimbisa mupfuri wendarama, noanopfura nenyundo anosimbisa anorova panhera, achiti, “Pamusoro pokunamatidza. Zvakanaka; ndokuzvirovera nembambo kuti zvirege kuzununguka.
“Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, Jakobho, wandakasanangura, vana vaAbhurahamu shamwari yangu, iwe wandakatora kumigomo yenyika, ndikakudana kumakona ayo, ndikati kwauri, ‘Uri muranda wangu, ndakakusanangura, handina kukurasha.’ Usatya, nokuti ndinewe; usavhunduka, nokuti ndiri Mwari wako; ndichakusimbisa, zvirokwazvo, ndichakubatsira; zvirokwazvo, ndichakutsigira noruoko rwangu rworudyi rune simba. Tarira, vose vanokutsamwira, vachanyadziswa vave nenyadzi; vanokakavara newe vachava sechinhu chisipo, vachaparara.
“Uchavatsvaka, asi haungavawani, ivo vanokakavara newe; vanorwa newe vachava sechinhu chisipo, sechinhu chisina maturo. Nokuti ini Jehovha, Mwari wako, ndichabata ruoko rwako rworudyi, ndichiti kwauri, ‘Usatya, ini ndichakubatsira.’ Usatya, Jakobho iwe honye, nemi varume vaIsiraeri; ini ndichakubatsira, ndizvo zvinotaura Jehovha, mudzikinuri wako ndiye Mutsvene waIsiraeri. Tarira, ndakakuita mupuro mutsva, unopinza, unameno; uchapura makomo, nokuaputsa-putsa, uchaita zvikomo zvive sehundi. Uchaaurutsa, achatorwa nemhepo, chamupupuri chichaaparadzira kwose; iwe uchafarira Jehovha, nokuzvirumbidza noMutsvene waIsiraeri.