Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 41:1-16

Isaya 41:1-16 SCLB

“Nditeererei makanyarara imi nyika dzokumahombekombe kwegungwa, imi ndudzi dzavanhu chisungai dzisimbe muuye padyo mutaure, ngatiunganei pamwechete titongane. “Ndiani akasvosva munhu wokumabvazuva anoti pose paatsika anongokurira chete. Anoti marudzi mumaoko make kacha achitsokodzera madzimambo pasi petsoka. Nebakatwa rake anoita kuti vave guruva, nouta hwake achivaitisa chimwandamwanda samashanga. Anonyatsovaronda pasina kana chinomuwana nenzira dzaasati ambotsika zvake. Ndiani akaita kuti zvose izvozvi zviitike, ndiani aipa zvijana kuzvizvarwa nezvizvarwa kubvira pakutanga? Ndinika iyeni Tenzi. Ndini iye wokutanga noWokupedzisira. “Nyika dzokumahombekombe kwegungwa dzakazviona dzikatya, vekwakaperera nyika chaiko vakadedera vava kukotonoka kuuya. Vanhu vari kuyamurana mumwe achitaurira mumwe wake kuti, ‘Tsunga mwoyo.’ Mhizha yebasa inokurudzirana nemhizha yezvendarama nowokukwenenzvera achipfura nenyundo neanorova pachisindi achiti kune anonama, ‘Manamiro acho akanaka.’ Vanorovera chifananidzo chokunamata nezvipikiri kuti chirege kuzunguzika. “Asi iwe Isiraeri, muranda wangu, iwe Jakobho wandakasarudza Imi chizvarwa chaAbhurahamu, shamwari yangu. Iwe wandakatora kubva kwakaperera nyika ndikakudaidza kubva kure kure, ndichiti kwauri ‘Iwe uri muranda wangu ndakusarudza handina kukurasa. Naizvozvo usatye nokuti ndinewe. Usatambudzike zvako mumwoyo nokuti ini ndini Mwari wako. Ini ndichakusimbisa ndichikubatsira, ndichakutsigira noruoko rwangu runokurira.’ “Chinzwa, vose zvavo vane daka newe vachanyadziswa zvigovapazamisa, vanorwisana newe vachava sezvinhu pasina vagotsakatika. Vanokwikwidzana newe uchavatsvaka ukavashaya vanorwisana newe vachava sechinhu chisina maturo nokuti ini Tenzi, Mwari wako ndakakubata ruoko rwako rworudyi. Ini ndini ndiri kukuti, ‘Rega kumbotya zvako ndinokubatsira.’ “Rega kutya Jakobho, iyewe honye zvayo kudai, iyemi vanhu veIsiraeri! Ndichakubatsirai, ndizvo zviri kutaurwa naTenzi; mununuri wenyu, ndini Anoera waIsiraeri. Chinzwai, ndichakuitai chinhu chokupurisa nacho chitsva chakapinza china mazino uzopura makomo uchiaparadza, zvikomo uchizviita semarara zvawo. Muchazviurutsa zvigopeperetswa nemhepo zvigomwarariswa nedutu. Asi imi muchazofara zvikuru muri muna Tenzi, muchakurumbira naiye Anoera waIsiraeri.

Verenga chikamu Isaya 41