Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 8:1-14

Hosea 8:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

“Isa hwamanda pamuromo wako! Gondo riri pamusoro pemba yaJehovha nokuti vanhu vakaputsa sungano yangu uye vakapandukira murayiro wangu. VaIsraeri vanodana kwandiri vachiti, ‘Haiwa, Mwari wedu, tinokuzivai!’ Asi Israeri akaramba zvakanaka; muvengi achamutevera. Vanogadza madzimambo vasina kutenderwa neni; vanosarudza machinda pasina mvumo yangu. Vanozvigadzirira zvifananidzo nesirivha negoridhe ravo kuti vagoparadzwa. Rasira kunze chifananidzo chako chemhuru, iwe Samaria! Kutsamwa kwangu kunopisa somoto pamusoro pavo. Vachasvika kupiko vasingagoni kuzvichenesa? Izvi zvinobva kuIsraeri! Chimhuru ichi, chakagadzirwa nomupfuri, hachisi Mwari. Chichaputsika kuita zvimedu zvimedu, icho chimhuru cheSamaria. “Vanodyara mhepo vachikohwa chamupupuri. Dzinde harina kubereka; haringabudisi upfu. Dai raizobereka zviyo, vatorwa vaizvimedza. Israeri yamedzwa; zvino yava pakati pendudzi sechinhu chisina maturo. Nokuti vakaenda kuAsiria sembizi inongombeya yoga. Efuremu akazvitengesa kuvadiwa. Kunyange zvavo vakazvitengesa pakati pendudzi, ndichavaunganidza zvino pamwe chete. Vachatanga kuperezeka pasi poudzvinyiriri hwamambo ane simba guru. “Kunyange Efuremu akavaka aritari zhinji dzezvipiriso zvechivi, idzi dzava aritari dzokuitira zvivi. Ndakavanyorera zvinhu zvakawanda zvomurayiro wangu, asi vakazvitora sezvinhu zvisinei navo. Vanopa zvibayiro kwandiri uye vodya nyama yacho, asi Jehovha haafadzwi navo. Zvino acharangarira uipi hwavo uye acharanga zvivi zvavo: Vachadzokera kuIjipiti. Israeri akakanganwa Musiki wake ndokuvaka mizinda; Judha akomberedza maguta mazhinji namasvingo. Asi ndichatumira moto pamaguta avo uchaparadza masvingo avo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 8

Hosea 8:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

“Isa hwamanda pamuromo wako. Zvinouya segondo kuzorwa neimba yaJehovha, nokuti vakadarika sungano yangu nokutadzira murayiro wangu. Vachadana kwandiri, vachiti, ‘Mwari wangu, isu vaIsiraeri tinokuzivai.’ Isiraeri vakarasha zvakanaka; muvengi wavo achavateverera. “Vakagadza madzimambo, asi havana kurairwa neni; vakazvitsaurira machinda, ini ndisingazvizivi; vakazviitira zvifananidzo nesirivha uye nendarama yavo, kuti zviparadzwe. “Mhuru yako, iwe Samaria, inonyangadza; kutsamwa kwangu kwakavamukira; vachanonoka kusvikira riniko kuva vakanaka? Nokuti chinhu ichi chakabvawo kuvaIsiraeri; mupfuri wakachiita, hachizi Mwari; zvirokwazvo, mhuri yeSamaria ichaputswa-putswa. Nokuti vanodyara mhepo, vachacheka chamupupuri; havane zviyo pamunda; chipande hachingavigiri hupfu; kunyange chikabereka, zvichamedzwa navatorwa. Isiraeri vakamedzwa; zvino vava pakati pamarudzi somudziyo usingadikanwi nomunhu. Nokuti vakaenda Asiria, sembizi inongozvifambira iri yoga; vaEfuremu vakazvitsvakira shamwari vachidziripira. Zvirokwazvo, kunyange vachizvitsvakira idzo pakati pamarudzi, ndichavaunganidza zvino, votanga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamachinda. “Efuremu zvaakawanza maaritari okutadza nawo, maaritari ake akamutadzisa. Ndakamunyorera mashoko ane zviuru zvine gumi omurayiro wangu, asi vanoti ndezvavatorwa. Kana zviri zvibayiro zvezvipiriso zvangu, vanobayira nyama ndokuidya; asi Jehovha haana kuzvigamuchira; zvino ucharangarira zvakaipa zvavo, nokuvarova pamusoro pezvivi zvavo; vachadzokera Ijipiti. “Nokuti Isiraeri vakakanganwa Muiti wavo, vakavaka dzimba dzoushe; Judha vakawanza maguta akakomberedzwa namasvingo; asi ini ndichatuma moto kumaguta avo, uchapedza dzimba dzoushe dzawo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 8

Hosea 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

“Nomuromo wako, chiridza bhosvo sezvo vemba yokwaTenzi vatova nyama yemagora nokuti vakatyora chitenderano changu ini navo vakatyora mutemo wangu. Kwandiri ndokwavanochema vachiti, ‘Nhai Mwari wangu! Inga isu vokwaIsiraeri tinokuzivai wani!’ Asi vokwaIsiraeri ivavo, vakasema zvinhu zvakanaka, muvengi achavaronda. “Vakagadza madzimambo avo vasina kumboti ini ndive mukati mazvo; vakazvisarudzira machinda vasina kundizivisa nesirivha yavo, nendarama yavo, vakazvigadzirira zvifananidzo zvokunamata kuri kuzvitsvakira kuparadzwa. Ndinosema kwazvo mhuru yako yaunoeresa, iwe guta reSamaria. Ndinovirukira nehasha vanhu ivavo. Kuchasvika rinhi chaizvo kuti vokwaIsiraeri vazova vanhu vavatsvene. Inga wani zvakabva muIsiraeri. Zvakagadzirwa nemhizha mhuru iyoyo, haisi Mwari. Mhuru yacho inoereswa muSamaria ichapwanyiwa kuti mwarara nokuti vanodyara mhepo vachakohwawo chamupupuri; mashanga zvawo akangomira asina hura asingape upfu. Dai aipa upfu, vatorwa ndovaitohudya zvavo. Asi Isiraeri yamedzwa iyi. Yatova zvayo somudziyo usina basa mukati mevechirudzi. VokwaIsiraeri idhongi zvaro, romusango riri kudzungaira roga nokuti vakakwira kuAsiria, vokwaEfuremu vakaita zvokutondotenga zvikomba. Kunyange zvazvo vakaita zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta, mukati mevechirudzi ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno vamborega kwakanguva kadiki zvokugadza mambo namachinda. “Kunyange vokwaEfuremu vakavaka zvavo atari neatari dzokupfupirira zvitadzo, atari dzacho dzava atari dzokuparira zvitadzo. Ndikavanyorera zviuru zvemitemo yangu; ivo, vanotoshama kuti ndochii ichochi. Zvokupira zvibayiro ndizvo zvavanofarira vanoitaka chibayiro chenyama vodya nyama iyoyo asi Tenzi haambozvifarira iye zvino ava kutorangarira uipi hwavo agorangira zvitadzo zvavo. Vachapishinukira kwakare kuIjipiti, nokuti vokwaIsiraeri vakakanganwa Musiki wavo vakavaka mizinda. VokwaJudha vakavakawo maguta etsvingo akawanda asi ndichatuma moto pamaguta avo, ucharoromesa nzvimbo dzavo dzokuzvidzivirira muhondo.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 8

Hosea 8:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Isa hwamanda pamuromo wako. Ɀinoʋuya segondo kuzorwa neimba yaJehova, nokuti ʋakaɗarika suŋgano yaŋgu nokutadzira murairo waŋgu. Ʋacaɗana kwandiri, ʋaciti: Mŋari waŋgu, isu ʋaIsraeri tinokuziʋai. Israeri ʋakarasha ɀakanaka; muʋeŋgi waʋo ucaʋateʋerera. Ʋakagadza madzimambo, asi haʋana‐kurairwa neni; ʋakaɀitsaurira macinda, ini ndisiŋgaɀiziʋi; ʋakaɀiitira ɀifananidzo nesirveri ʋuye nendarama yaʋo, kuti ɀiparadzwe. Mhuru yako, iwe Samaria, inonyaŋgadza; kutsamŋa kwaŋgu kwakaʋamukira; ʋacanonoka kuȿikira riniko kuʋa ʋakanaka? Nokuti cinhu ici cakabva ʋo kuʋaIsraeri; mupfuri wakaciita, hacizi Mŋari; ɀirokwaɀo, mhuru yeSamaria icaputswa‐putswa. Nokuti ʋanodɀara mhepo, ʋacaceka campupuri; haʋaneɀiyo pamunda; cipande haciŋgaʋigiri ʋupfu; kunyaŋge cikaɓereka, ɀicamedzwa naʋatorwa. Israeri ʋakamedzwa; ɀino ʋaʋa pakati pamarudzi somudziyo usiŋgaɗikanwi nomunhu. Nokuti ʋakaenda Asiria, sembizi inoŋgoɀifambira iri yoga; ʋaEfraimi ʋakaɀitȿakira shamŋari ʋacidziripira. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋaciɀitȿakira idzo pakati pamarudzi, ndicaʋaʋuŋganidza ɀino, ʋotaŋga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamacinda. Efraimi ɀaakawanza maartari okutadza nawo, maartari ake akamutadzisa. Ndakamunyorera mashoko aneɀuru ɀinegumi omurairo waŋgu, asi ʋanoti ndeɀaʋatorwa. Kana ɀiri ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaŋgu, ʋanoɓayira nyama ndokuidya; asi Jehova haana‐kuɀigamucira; ɀino ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, nokuʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo; ʋacadzokera Egipita. Nokuti Israeri ʋakakaŋganwa Muiti waʋo, ʋakaʋaka dzimba dzoʋushe; Juda ʋakawanza maguta akakomberedzwa namaȿiŋgo; asi ini ndicatuma mŋoto kumaguta aʋo, ucapedza dzimba dzoʋushe dzawo.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Hosea 8

Hosea 8:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)