Hosea 8
8
Kunamata zvifananidzo hakubvumirwi
1“Nomuromo wako, chiridza bhosvo
sezvo vemba yokwaTenzi
vatova nyama yemagora
nokuti vakatyora
chitenderano changu ini navo
vakatyora mutemo wangu.
2Kwandiri ndokwavanochema vachiti,
‘Nhai Mwari wangu!
Inga isu vokwaIsiraeri
tinokuzivai wani!’
3Asi vokwaIsiraeri ivavo,
vakasema zvinhu zvakanaka,
muvengi achavaronda.
4“Vakagadza madzimambo avo
vasina kumboti ini ndive mukati mazvo;
vakazvisarudzira machinda
vasina kundizivisa
nesirivha yavo, nendarama yavo,
vakazvigadzirira zvifananidzo zvokunamata
kuri kuzvitsvakira kuparadzwa.
5Ndinosema kwazvo
mhuru yako yaunoeresa,
iwe guta reSamaria.
Ndinovirukira nehasha vanhu ivavo.
Kuchasvika rinhi chaizvo
kuti vokwaIsiraeri
vazova vanhu vavatsvene.
6Inga wani zvakabva muIsiraeri.
Zvakagadzirwa nemhizha
mhuru iyoyo, haisi Mwari.
Mhuru yacho inoereswa muSamaria
ichapwanyiwa kuti mwarara#8:6 Mwarara: Kana kuti... icharirimiswa nomoto.
7nokuti vanodyara mhepo
vachakohwawo chamupupuri;
mashanga zvawo akangomira
asina hura asingape upfu.
Dai aipa upfu, vatorwa ndovaitohudya zvavo.
8Asi Isiraeri yamedzwa iyi.
Yatova zvayo somudziyo usina basa
mukati mevechirudzi.
9VokwaIsiraeri idhongi zvaro,
romusango riri kudzungaira roga
nokuti vakakwira kuAsiria,
vokwaEfuremu vakaita
zvokutondotenga zvikomba.
10Kunyange zvazvo vakaita
zvokubhadhara vatorwa vokuvakuta,
mukati mevechirudzi
ndichavakokorodza zvangu iye zvino uno
vamborega kwakanguva kadiki
zvokugadza mambo namachinda.
11“Kunyange vokwaEfuremu vakavaka zvavo
atari neatari dzokupfupirira zvitadzo,
atari dzacho dzava atari
dzokuparira zvitadzo.
12Ndikavanyorera zviuru
zvemitemo yangu;
ivo, vanotoshama
kuti ndochii ichochi.
13Zvokupira zvibayiro ndizvo zvavanofarira
vanoitaka chibayiro chenyama vodya nyama iyoyo
asi Tenzi haambozvifarira
iye zvino ava kutorangarira uipi hwavo
agorangira zvitadzo zvavo.
Vachapishinukira kwakare kuIjipiti,
14nokuti vokwaIsiraeri
vakakanganwa Musiki wavo
vakavaka mizinda.
VokwaJudha vakavakawo
maguta etsvingo akawanda
asi ndichatuma moto pamaguta avo,
ucharoromesa nzvimbo dzavo
dzokuzvidzivirira muhondo.”
Zvasarudzwa nguva ino
Hosea 8: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.