Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Hosea 8:1-14

Hosea 8:1-14 SUB1949

Isa hwamanda pamuromo wako. Ɀinoʋuya segondo kuzorwa neimba yaJehova, nokuti ʋakaɗarika suŋgano yaŋgu nokutadzira murairo waŋgu. Ʋacaɗana kwandiri, ʋaciti: Mŋari waŋgu, isu ʋaIsraeri tinokuziʋai. Israeri ʋakarasha ɀakanaka; muʋeŋgi waʋo ucaʋateʋerera. Ʋakagadza madzimambo, asi haʋana‐kurairwa neni; ʋakaɀitsaurira macinda, ini ndisiŋgaɀiziʋi; ʋakaɀiitira ɀifananidzo nesirveri ʋuye nendarama yaʋo, kuti ɀiparadzwe. Mhuru yako, iwe Samaria, inonyaŋgadza; kutsamŋa kwaŋgu kwakaʋamukira; ʋacanonoka kuȿikira riniko kuʋa ʋakanaka? Nokuti cinhu ici cakabva ʋo kuʋaIsraeri; mupfuri wakaciita, hacizi Mŋari; ɀirokwaɀo, mhuru yeSamaria icaputswa‐putswa. Nokuti ʋanodɀara mhepo, ʋacaceka campupuri; haʋaneɀiyo pamunda; cipande haciŋgaʋigiri ʋupfu; kunyaŋge cikaɓereka, ɀicamedzwa naʋatorwa. Israeri ʋakamedzwa; ɀino ʋaʋa pakati pamarudzi somudziyo usiŋgaɗikanwi nomunhu. Nokuti ʋakaenda Asiria, sembizi inoŋgoɀifambira iri yoga; ʋaEfraimi ʋakaɀitȿakira shamŋari ʋacidziripira. Ɀirokwaɀo, kunyaŋge ʋaciɀitȿakira idzo pakati pamarudzi, ndicaʋaʋuŋganidza ɀino, ʋotaŋga kutapudzwa nemhaka yokuremedzwa namambo wamacinda. Efraimi ɀaakawanza maartari okutadza nawo, maartari ake akamutadzisa. Ndakamunyorera mashoko aneɀuru ɀinegumi omurairo waŋgu, asi ʋanoti ndeɀaʋatorwa. Kana ɀiri ɀiɓayiro ɀeɀipiriso ɀaŋgu, ʋanoɓayira nyama ndokuidya; asi Jehova haana‐kuɀigamucira; ɀino ucaraŋgarira ɀakaipa ɀaʋo, nokuʋaroʋa pamsoro peɀiʋi ɀaʋo; ʋacadzokera Egipita. Nokuti Israeri ʋakakaŋganwa Muiti waʋo, ʋakaʋaka dzimba dzoʋushe; Juda ʋakawanza maguta akakomberedzwa namaȿiŋgo; asi ini ndicatuma mŋoto kumaguta aʋo, ucapedza dzimba dzoʋushe dzawo.

Verenga chikamu Hosea 8