Genesisi 45:21-23
Genesisi 45:21-23 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Saka vanakomana vaIsraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvakanga zvarayirwa naFaro, uye akavapawo mbuva yorwendo rwavo. Akapa mumwe nomumwe wavo nguo itsva, asi akapa Bhenjamini mazana matatu amashekeri esirivha nenguo shanu dzokupfeka. Uye izvi ndizvo zvaakatumira kuna baba vake: Mbongoro hono gumi dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, nembongoro hadzi gumi dzakanga dzakatakura zviyo nechingwa nezvimwe zvembuva yorwendo.
Genesisi 45:21-23 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Vanakomana vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefa akavapa ngoro, sezvaakarairwa naFarao, akavapa mbuva yokufamba nayo. Akapa vose, mumwe nomumwe nguo dzakanaka; asi Bhenjamini akamupa mashekeri ana mazana matatu esirivha nenguo dzakanaka shanu. Nababa vake akavatumira mbongoro dzine gumi, dzakanga dzakatakura zvinhu zvakaisvonaka zveIjipiti, namakadzi embongoro ane gumi akanga akatakura zviyo, nechingwa, nezvokudya zvababa vake zvorwendo.
Genesisi 45:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vanakomana ivava vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefi akavapa ngoro sezvaakanzi naFarao aite, akavapawo mbuva yaparwendo. Josefi akapa vakoma vake mumwe nomumwe hanzu itsva. Asi akapa Bhenjamini hanzu shanu itsva, nemari yamashekeri yesirivha inokwana mazana matatu. Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo.
Genesisi 45:21-23 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ʋanakomana ʋaIsraeri ʋakaita saiɀoɀo: Josefa akaʋapa ŋgoro, seɀaakarairwa naFarao, akaʋapa mbuʋa yokufamba nayo. Akapa ʋose, mumŋe nomumŋe ŋguʋo dzakanaka; asi Benjamini wakamupa mashekeri anamazana matatu esirveri neŋguʋo dzakanaka shanu Naɓaɓa ʋake wakaʋatumira mboŋgoro dzinegumi, dzakaŋga dzakatakura ɀinhu ɀakaiȿo‐naka ɀeEgipita, namakadzi emboŋgoro anegumi akaŋga akatakura ɀiyo, neciŋgwa, neɀokudya ɀaɓaɓa ʋake ɀorwendo.
Genesisi 45:21-23 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)