Vanakomana ivava vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefi akavapa ngoro sezvaakanzi naFarao aite, akavapawo mbuva yaparwendo. Josefi akapa vakoma vake mumwe nomumwe hanzu itsva. Asi akapa Bhenjamini hanzu shanu itsva, nemari yamashekeri yesirivha inokwana mazana matatu. Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo.
Verenga chikamu Mavambo 45
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mavambo 45:21-23
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo