Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesisi 32:13-32

Genesisi 32:13-32 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Akapedza usiku hwose ipapo, uye pane zvaakanga anazvo, akatsaurira mukoma wake Esau chipo chaiti: mazana maviri enhunzvi dzemakwai namakumi maviri enhongo dzembudzi, mazana maviri amatunzvi amakwai namakondobwe makumi maviri, ngamera hadzi, makumi matatu navana vadzo, mhou dzemombe makumi mana nehando gumi, mbongoro hadzi makumi maviri uye nehono gumi. Akaita kuti zvichengetwe navaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga, uye akati kuvaranda vake, “Tungamirai mberi kwangu, uye musiye nzvimbo pakati pamapoka.” Akarayira uya akanga achitungamirira akati, “Mukoma wangu Esau paanosangana nemi uye akakubvunza achiti, ‘Uri waaniko iwe, uye uri kuendepi, uye pfuma yose iri mberi kwako ndeyani?’ ipapo iwe unofanira kupindura uchiti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho. Izvi zvipo zvatumirwa kuna she wangu Esau, uye iye ari kutevera mumashure medu.’ ” Akarayirawo wechipiri, wechitatu uye navamwe vose vaitevera mapoka achiti, “Munofanira kutaura chinhu chimwe chete kuna Esau pamunosangana naye. Uye murangarire kuti, ‘Muranda wenyu Jakobho ari kuuya mumashure medu.’ ” Nokuti akafunga akati, “Ndamunyaradza nezvipo zvandiri kumutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.” Saka chipo chaJakobho chakatungamira mberi kwake, asi iye pachake akavata mumusasa. Nokuti akafunga akati, “Ndichamunyaradza nezvipo zvandiri kutumira mberi; pandinozomuona, zvichida achandigamuchira.” Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora vakadzi vake vaviri, varandakadzi vake navanakomana vake gumi nomumwe vakayambuka pazambuko reJabhoki. Shure kwokuvayambutsa rukova, akayambutsawo zvose zvaakanga anazvo. Saka Jakobho akasara ari oga, uye mumwe murume akaita mutsimba naye kusvikira utonga hwatsvuka. Murume uye paakaona kuti akanga asingagoni kumukunda, akabata pahudyu yaJakobho zvokuti hudyu yakashodogoka paakanga achiita mutsimba nomunhu uyu. Ipapo murume uya akati, “Ndirege ndiende, nokuti utonga hwatsvuka.” Asi Jakobho akapindura akati, “Handingatongokuregei muchienda kusvikira mandiropafadza.” Murume uya akamubvunza akati, “Zita rako ndianiko?” Jakobho akapindura akati, “Jakobho.” Ipapo murume uya akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Israeri, nokuti wakarwa naMwari uye nomunhu ukakunda.” Jakobho akati, “Ndapota hangu, ndiudzei zita renyu.” Asi iye akapindura akati, “Seiko uchibvunza zita rangu?” Ipapo akamuropafadza. Saka Jakobho akatumidza nzvimbo iyo zita rokuti Penieri, akati, “Nokuti ndaona Mwari chiso nechiso, asi handina kufa.” Zuva rakakwira pamusoro pake, paakanga opfuura Penieri, uye akanga achikamhina nokuda kwehudyu yake. Naizvozvo kusvikira zuva ranhasi vaIsraeri havadyi runda rakabatanidzwa nehudyu, nokuti hudyu yaJakobho yakanga yakuvadzwa pedyo nerunda.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 32

Genesisi 32:13-32 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Akavatapo usiku ihwohwo; akatora zvimwe kune zvaakanga anazvo, kuti chive chipo kuna Esau, mukuru wake; zvaiti: Nhunzvi dzembudzi dzina mazana maviri, nenhongo dzina makumi maviri, namatunzvi amakwai ana mazana maviri, namakondohwe ana makumi maviri, namakamera anokamwa ana makumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzemombe dzina makumi mana, nehando dzemombe dzine gumi, namakadzi embongoro ana makumi maviri, nemhuru dzine gumi. Akazvipa mumaoko avaranda vake, boka rimwe nerimwe riri roga; akati kuvaranda vake, “Yambukai pamberi pangu, musiye runhambo pakati peboka rimwe nerimwe.” Akaraira wokutanga, akati, “Kana Esau, mukuru wangu, akasangana newe, akabvunza, achiti, ‘Uri munhu waaniko? Unoendepiko? Izvi zviri pamberi pako ndezvaani?’ Uti, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho; chipo chakatumirwa ishe wangu Esau; tarirai, naiye ari kumashure kweduwo;’ ” akarairawo wechipiri newechitatu, navose vakanga vachitevera mapoka, akati, “Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muchidaro; muti, ‘Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobho ari mumashure medu.’ ” Nokuti akati, “Ndichambomunyaradza nechipo chinonditungamirira, ndigoti ndoona chiso chake; zvimwe achandigamuchira.” Naizvozvo chipo chakayambutswa mberi kwake; asi iye pachake akavata usiku ihwohwo pakati peungano. Zvino akamuka usiku ihwohwo, akatora vakadzi vake vaviri navarandakadzi vake vaviri, navana vake vane gumi nomumwe, akayambuka pazambuko raJakobho. Akavatora, akavayambutsa parukova, akayambutsawo zvaakanga anazvo. Asi Jakobho akasara ari oga; mumwe murume akaita mitsimba naye kusvikira utonga huchitsvuka. Zvino akati achiona kuti haagoni kumukunda, akamubata pahudyu, hudyu ikatyoka nemitsimba naye. Iye akati, “Chindirega ndiende, nokuti utonga hwotsvuka.” Iye akati, “Handingakuregei kuti muende, musati mandiropafadza.” Akati kwaari, “Zita rako ndianiko?” Iye akati, “Jakobho.” Akati, “Zita rako harichazonzi Jakobho, asi Isiraeri; nokuti wakarwa naMwari navanhu, ukakunda.” Jakobho akamubvunza, akati, “Ndiudzeiwo zita renyu.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamuropafadza ipapo. Zvino Jakobho akatumidza nzvimbo iyoyo zita rinonzi Penieri; nokuti akati, “Ndakaonana naMwari, upenyu hwangu hukachengetwa.” Zuva rikamubudira achipfuura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naizvozvo vana vaIsiraeri havadyi nanhasi runda rehudyu riri papfupa rehudyu; nokuti akabata hudyu yaJakobho parunda rehudyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 32

Genesisi 32:13-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Jakobho akararapo usiku ihwohwo. Pazvinhu zvaaiva nazvo akasarudza chipo chokupa mukoma wake Esau chamazana maviri enhunzvi dzembudzi, namakumi maviri emakotora, namazana maviri enhunzvi dzehwai, namakumi maviri ehondohwe, namakumi matatu enghamera hadzi nemhuru dzadzo, namakumi mana emhou dzemombe, negumi rehandira, namadhongi echikadzi makumi maviri, negumi remikono yamadhongi. Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.” Akarayira veboka repamberimberi achiti, “Kana mukoma wangu Esau akasangana nemi akakubvunzai achiti, ‘Muri vekwaani? Ko muri kuenda kupiko? Zvamuri kutinha ndezvaani?’ Imi itii, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho, chipo ichi chatumirwa kunemi changamire, Esau, asi iye Jakobho pachake ari mumashure.’ ” Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo. Uye muudzei kuti, ‘Muranda wenyuwo Jakobho ari mushure,’ ” nokuti aifunga kuti, “Regai ndimufadze nokufanotumira chipo ichi ndigozoti ndosangana zvangu naye, zvimwe angandigamuchire.” Naizvozvo akafanotumira zvipo izvozvo mberi, iye ndokusara usiku ihwohwo ari pamatendhe. Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!” Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!” Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.” Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!” Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 32

Genesisi 32:13-32 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Akaʋata’po ʋusiku ubgo; akatora ɀimŋe kuneɀaakaŋga anaɀo, kuti ciʋe cipo kunaEsau, mukuru wake; ɀaiti: Nhunɀi dzembudzi dzinamazana maʋiri, nenhoŋgo dzinamakumi maʋiri, namatunɀi amakwai anamazana maʋiri, namakondobge anamakumi maʋiri, namakamera anokamŋa anamakumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzeŋombe dzinamakumi manna, nehando dzeŋombe dzinegumi, namakadzi emboŋgoro anamakumi maʋiri, nemhuru dzinegumi. Akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, ɓoka rimŋe nerimŋe riri roga; akati kuʋaranda ʋake: Yambukai pamberi paŋgu, musiye runhambo pakati peɓoka rimŋe nerimŋe. Akaraira wokutaŋga, akati: Kana Esau, mukuru waŋgu, akasoŋgana newe, akabvunza, aciti: Uri munhu waaniko — Unoendepiko — Iɀi ɀiri pamberi pako ndeɀaani? Uti: Ndeɀomuranda wenyu Jakobo; cipo cakatumirwa ishe waŋgu Esau; tarirai, naiye uri mashure meɗu ʋo; akaraira ʋo wecipiri nowecitatu, naʋose ʋakaŋga ʋaciteʋera mapoka, akati: Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muciɗaro; muti: Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobo uri mashure meɗu. Nokuti wakati: Ndicambomunyaradza necipo cinondituŋgamirira, ndigoti ndoʋona ciso cake; ɀimŋe ucandigamucira. Naiɀoɀo cipo cakayambuswa mberi kwake; asi iye amene wakaʋata ʋusiku ubgo pakati peʋuŋgano. Ɀino wakamuka ʋusiku ubgo, akatora ʋakadzi ʋake ʋaʋiri naʋarandakadzi ʋake ʋaʋiri, naʋana ʋake ʋanegumi nomumŋe, akayambuka pazambuko reJaboko. Akaʋatora, akaʋayambusa parukoʋa, akayambusa ʋo ɀaakaŋga anaɀo. Asi Jakobo wakasara ari oga; mumŋe murume akaita mitsimba naye kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka. Ɀino wakati aciʋona kuti haagoni kumukunda, akamuɓata pahudyu, hudyu ikaniŋguka nemitsimba naye. Iye akati: Cindirega ndiende, nokuti ʋutoŋga bgotȿuka. Iye akati: Handiŋgakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza. Akati kwaari: Zita rako ndianiko — Iye akati: Jakobo. Akati: Zita rako haricazonzi Jakobo, asi Israeri; nokuti wakarwa naMŋari naʋanhu, ukakunda. Jakobo akamubvunza, akati: Ndiʋudzei ʋo zita renyu. Iye akati: Unondibvunzireiko zita raŋgu — Akamuropafadza ipapo. Ɀino Jakobo akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Penieri; nokuti wakati: Ndakaʋonana naMŋari, ʋupenyu bgaŋgu ʋukaceŋgetwa. Zuʋa rikamuɓuɗira acipfuʋura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋadyi nanhasi runda rehudyu riri pafupa rehudyu; nokuti wakaɓata hudyu yaJakobo parunda rehudyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Genesisi 32

Genesisi 32:13-32 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)