Akaʋata’po ʋusiku ubgo; akatora ɀimŋe kuneɀaakaŋga anaɀo, kuti ciʋe cipo kunaEsau, mukuru wake; ɀaiti: Nhunɀi dzembudzi dzinamazana maʋiri, nenhoŋgo dzinamakumi maʋiri, namatunɀi amakwai anamazana maʋiri, namakondobge anamakumi maʋiri, namakamera anokamŋa anamakumi matatu nemhuru dzawo, nemhou dzeŋombe dzinamakumi manna, nehando dzeŋombe dzinegumi, namakadzi emboŋgoro anamakumi maʋiri, nemhuru dzinegumi. Akaɀipa mumaʋoko aʋaranda ʋake, ɓoka rimŋe nerimŋe riri roga; akati kuʋaranda ʋake: Yambukai pamberi paŋgu, musiye runhambo pakati peɓoka rimŋe nerimŋe. Akaraira wokutaŋga, akati: Kana Esau, mukuru waŋgu, akasoŋgana newe, akabvunza, aciti: Uri munhu waaniko — Unoendepiko — Iɀi ɀiri pamberi pako ndeɀaani? Uti: Ndeɀomuranda wenyu Jakobo; cipo cakatumirwa ishe waŋgu Esau; tarirai, naiye uri mashure meɗu ʋo; akaraira ʋo wecipiri nowecitatu, naʋose ʋakaŋga ʋaciteʋera mapoka, akati: Kana mukamuwana Esau, mutaure kwaari muciɗaro; muti: Tarirai, naiye muranda wenyu Jakobo uri mashure meɗu. Nokuti wakati: Ndicambomunyaradza necipo cinondituŋgamirira, ndigoti ndoʋona ciso cake; ɀimŋe ucandigamucira. Naiɀoɀo cipo cakayambuswa mberi kwake; asi iye amene wakaʋata ʋusiku ubgo pakati peʋuŋgano.
Ɀino wakamuka ʋusiku ubgo, akatora ʋakadzi ʋake ʋaʋiri naʋarandakadzi ʋake ʋaʋiri, naʋana ʋake ʋanegumi nomumŋe, akayambuka pazambuko reJaboko. Akaʋatora, akaʋayambusa parukoʋa, akayambusa ʋo ɀaakaŋga anaɀo. Asi Jakobo wakasara ari oga; mumŋe murume akaita mitsimba naye kuȿikira ʋutoŋga bgucitȿuka. Ɀino wakati aciʋona kuti haagoni kumukunda, akamuɓata pahudyu, hudyu ikaniŋguka nemitsimba naye. Iye akati: Cindirega ndiende, nokuti ʋutoŋga bgotȿuka. Iye akati: Handiŋgakuregiyi kuti muende, musati mandiropafadza. Akati kwaari: Zita rako ndianiko — Iye akati: Jakobo. Akati: Zita rako haricazonzi Jakobo, asi Israeri; nokuti wakarwa naMŋari naʋanhu, ukakunda. Jakobo akamubvunza, akati: Ndiʋudzei ʋo zita renyu. Iye akati: Unondibvunzireiko zita raŋgu — Akamuropafadza ipapo. Ɀino Jakobo akatumidza nɀimbo iyo zita rinonzi Penieri; nokuti wakati: Ndakaʋonana naMŋari, ʋupenyu bgaŋgu ʋukaceŋgetwa. Zuʋa rikamuɓuɗira acipfuʋura napaPenieri; akakamhina pahudyu yake. Naiɀoɀo ʋana ʋaIsraeri haʋadyi nanhasi runda rehudyu riri pafupa rehudyu; nokuti wakaɓata hudyu yaJakobo parunda rehudyu.