Jakobho akararapo usiku ihwohwo. Pazvinhu zvaaiva nazvo akasarudza chipo chokupa mukoma wake Esau chamazana maviri enhunzvi dzembudzi, namakumi maviri emakotora, namazana maviri enhunzvi dzehwai, namakumi maviri ehondohwe, namakumi matatu enghamera hadzi nemhuru dzadzo, namakumi mana emhou dzemombe, negumi rehandira, namadhongi echikadzi makumi maviri, negumi remikono yamadhongi.
Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.” Akarayira veboka repamberimberi achiti, “Kana mukoma wangu Esau akasangana nemi akakubvunzai achiti, ‘Muri vekwaani? Ko muri kuenda kupiko? Zvamuri kutinha ndezvaani?’ Imi itii, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho, chipo ichi chatumirwa kunemi changamire, Esau, asi iye Jakobho pachake ari mumashure.’ ” Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo. Uye muudzei kuti, ‘Muranda wenyuwo Jakobho ari mushure,’ ” nokuti aifunga kuti, “Regai ndimufadze nokufanotumira chipo ichi ndigozoti ndosangana zvangu naye, zvimwe angandigamuchire.” Naizvozvo akafanotumira zvipo izvozvo mberi, iye ndokusara usiku ihwohwo ari pamatendhe.
Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko. Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo. Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda. Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka. Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!”
Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!”
Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.”
Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo. Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!”
Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake. Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.