Genesisi 1:14-25
Genesisi 1:14-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye Mwari akati, “Ngakuve nezviedza munzvimbo yedenga kuti zviparadzanise masikati kubva pausiku, uye ngazvishande sezviratidzo zvokucherechedza mwaka namazuva namakore, uye ngazvive zviedza munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri, chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati uye chiedza chiduku kuti chibate ushe usiku. Akaitawo nyeredzi. Mwari akazviisa munzvimbo yedenga kuti zvivhenekere panyika, kuti zvibate ushe masikati nousiku, uye kuti zviparadzanise chiedza kubva parima. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Uye Mwari akati, “Mvura ngaive nezvisikwa zvipenyu, uye shiri ngadzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga.” Saka Mwari akasika zvisikwa zvikuru zvegungwa nezvipenyu zvose zvinokambaira zvinogara mumvura, maererano namarudzi azvo, uye neshiri dzina mapapiro, maererano namarudzi adzo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka. Mwari akazviropafadza akati, “Berekanai muwande muzadze mvura iri mumakungwa, uye shiri ngadziwande panyika.” Uye madekwana akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechishanu. Uye Mwari akati, “Nyika ngaibereke zvisikwa zvipenyu maererano namarudzi azvo: zvipfuwo, zvisikwa zvinokambaira panyika, nezvikara zvesango, chimwe nechimwe nemhando yacho.” Uye zvakaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzesango maererano namarudzi adzo, zvipfuwo namarudzi azvo, nezvisikwa zvose zvinokambaira panyika maererano namarudzi azvo. Uye Mwari akaona kuti zvakanga zvakanaka.
Genesisi 1:14-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika, zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu. Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.
Genesisi 1:14-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mwari akati, “Muziendanakuenda romudenga ngamuve namavheneko okusiyanisa masikati nousiku ave okuratidza mwaka namazuva namakore. Ngaave mavheneko omuziendanakuenda romudenga kuti avhenekere nyika,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akaita mazivheneko maviri kunoti, zivheneko guru rokutonga masikati, kozoti zivheneko duku rokutonga usiku, akaitawo nyenyedzi. Mwari akazviisa muziendanakuenda romudenga kuti zvivhenekere nyika, zvichitonga masikati nousiku nokusiyanisa chiedza nerima. Mwari akaona kuti zvakanaka. Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechina. Mwari akati, “Mumvura ngamuite bvakapfaka rezvinhu zvipenyu zvinoshambira. Shiriwo ngadzibhururuke pamusoro penyika nomudenga muziendanakuenda.” Mwari akasika mhando nemhando dzamazigaranyanya omumvura nedzezvinhu zvose zvazvo zvipenyu zvinofamba, zvinoita bvakapfaka mumvura, namarudzi ose eshiri dzine mapapiro. Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazvikomborera achiti, “Berekanai muwande muzadze mvura yomumakungwa. Shiri ngadziwandewo panyika.” Kwakasviba kukaedza, iri rakava zuva rechishanu. Mwari akati, “Nyika ngaiburitse mhando nemhando dzezvinhu zvipenyu, mhando nemhando dzezvipfuwo, nedzezvinokambaira nokuzvova napasi, nedzemhuka dzesango,” zvikabva zvaita saizvozvo. Mwari akasika mhando nemhando dzemhuka dziri panyika, nemhando dzose dzezvipfuwo nedzezvinokambaira nokuzvova napasi. Mwari akaona kuti zvakanaka.
Genesisi 1:14-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari akati: Ɀiedza ŋgaɀiʋe’po panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀiparadzanise masikati noʋusiku; kuti ɀiʋe ɀiratidzo, nenguʋa, namazuʋa, namakore; ŋgaɀiʋe ɀiedza panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita ɀiedza ɀikuru ɀiʋiri; ciedza cikuru kuti ciɓate ʋushe masikati, neciedza ciɗuku, kuti ciɓate ʋushe ʋusiku, nenyeredzi ʋo. Mŋari akaɀiisa pasi penɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika, ɀiɓate ʋushe masikati noʋusiku, nokuparadzanisa ciedza nerima; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa recinna. Mŋari akati: Mvura ŋgaizare neɀipenyu ɀizhinji, neshiri dzibururuke pamsoro penyika munɀimbo yeɗeŋga. Mŋari akasika mhuka huru dzeguŋgwa, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira, iɀo mvura yakaŋga izere naɀo, ɀinamarudzi aɀo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akaɀiropafadza, akati: Ƃerekai, muwande, muzadze mvura iri mumakuŋgwa; neshiri ŋgadziwande panyika. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa reshanu. Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka.
Genesisi 1:14-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)