Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:14-25

Genesi 1:14-25 SUB1949

Mŋari akati: Ɀiedza ŋgaɀiʋe’po panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀiparadzanise masikati noʋusiku; kuti ɀiʋe ɀiratidzo, nenguʋa, namazuʋa, namakore; ŋgaɀiʋe ɀiedza panɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita ɀiedza ɀikuru ɀiʋiri; ciedza cikuru kuti ciɓate ʋushe masikati, neciedza ciɗuku, kuti ciɓate ʋushe ʋusiku, nenyeredzi ʋo. Mŋari akaɀiisa pasi penɀimbo yeɗeŋga, kuti ɀivenekere panyika, ɀiɓate ʋushe masikati noʋusiku, nokuparadzanisa ciedza nerima; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa recinna. Mŋari akati: Mvura ŋgaizare neɀipenyu ɀizhinji, neshiri dzibururuke pamsoro penyika munɀimbo yeɗeŋga. Mŋari akasika mhuka huru dzeguŋgwa, neɀipenyu ɀose ɀinokambaira, iɀo mvura yakaŋga izere naɀo, ɀinamarudzi aɀo, neshiri dzose dzinamapapiro, dzinamarudzi adzo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka. Mŋari akaɀiropafadza, akati: Ƃerekai, muwande, muzadze mvura iri mumakuŋgwa; neshiri ŋgadziwande panyika. Maɗeko akaʋa’po, namaŋgwanani akaʋa’po, zuʋa reshanu. Mŋari akati: Nyika ŋgaiɓereke ɀipenyu ɀinamarudzi aɀo, neɀipfuwo, neɀinokambaira, nemhuka dzenyika, ɀinamarudzi aɀo; ɀikaita saiɀoɀo. Mŋari akaita mhuka dzenyika dzinamarudzi adzo, neɀipfuwo ɀinamarudzi aɀo, neɀinhu ɀose ɀinokambaira panyika ɀinamarudzi aɀo; Mŋari akaʋona kuti ɀakanaka.

Verenga chikamu Genesi 1