Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Genesi 1:14-25

Genesi 1:14-25 SNA2002

Mwari akati: Zviedza ngazvivepo panzvimbo yedenga, kuti zviparadzanise masikati nousiku; kuti zvive zviratidzo, nenguva, namazuva, namakore; ngazvive zviedza panzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita zviedza zvikuru zviviri; chiedza chikuru kuti chibate ushe masikati, nechiedza chiduku, kuti chibate ushe usiku, nenyeredziwo. Mwari akazviisa pasi penzvimbo yedenga, kuti zvivhenekere panyika, zvibate ushe masikati nousiku, nokuparadzanisa chiedza nerima; Mwari akaona kuti zvakanaka. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva rechina. Mwari akati: Mvura ngaizare nezvipenyu zvizhinji, neshiri dzibhururuke pamusoro penyika munzvimbo yedenga. Mwari akasika mhuka huru dzegungwa, nezvipenyu zvose zvinokambaira, izvo mvura yakanga izere nazvo, zvina marudzi azvo, neshiri dzose dzina mapapiro, dzina marudzi adzo; Mwari akaona kuti zvakanaka. Mwari akazviropafadza, akati: Berekai, muwande, muzadze mvura iri mumakungwa; neshiri ngadziwande panyika. Madeko akavapo, namangwanani akavapo, zuva reshanu. Mwari akati: Nyika ngaibereke zvipenyu zvina marudzi azvo, nezvipfuwo, nezvinokambaira, nemhuka dzenyika, zvina marudzi azvo; zvikaita saizvozvo. Mwari akaita mhuka dzenyika dzina marudzi adzo, nezvipfuwo zvina marudzi azvo, nezvinhu zvose zvinokambaira panyika zvina marudzi azvo; Mwari akaona kuti zvakanaka.

Verenga chikamu Genesi 1