Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 8:1-9 - Compare All Versions

Muparidzi 8:1-9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva tsananguro yezvinhu? Uchenjeri hunobwinyisa chiso chomunhu uye hunoshandura kuomarara kwechiso. Ndinoti, teerera murayiro wamambo, nokuti wakaita mhiko pamberi paMwari. Usakurumidza kubva pamberi pamambo. Usamiririra zvinhu zvakaipa, nokuti iye achaita chinhu chipi zvacho chinomufadza. Sezvo shoko ramambo riri pamusoro pamashoko ose, ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Ani naani zvake achateerera murayiro wake haangawani chinomukuvadza, uye mwoyo wakachenjera uchaziva nguva yakafanira namaitiro akafanira. Nokuti kune nguva yakafanira namaitiro akafanira pazvinhu zvose, kunyange nhamo yomunhu ichimuremera zvikuru. Sezvo pasina munhu anoziva ramangwana, ndiani angamuzivisa zvichauya? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo kuti aitonge; saizvozvowo hakuna munhu ane simba pamusoro pezuva rokufa kwake. Sezvo kusinawo munhu anoregedzeswa kurwa panguva yehondo, saizvozvowo zvakaipa hazvingaregedzi uyo anozviita. Zvose izvi ndakazviona, pandakaisa pfungwa dzangu pane zvose zvinoitwa pasi pezuva. Pane nguva yokuti mumwe munhu anenge ane simba pamusoro pavamwe, asi achizvikuvadza pachake.

Pakurirana nevamwe
Muparidzi 8 BDSC

Muparidzi 8:1-9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa. Ndinoti, “Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.” Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda. Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita. Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.

Pakurirana nevamwe
Muparidzi 8 SNA2002

Muparidzi 8:1-9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka. Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita. Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?” Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei. Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo. Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.

Pakurirana nevamwe
Muparidzi 8 SCLBD

Muparidzi 8:1-9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ndiani wakafanana nomunhu wakacenjera? Ndiani unoziʋa kuɗudzira cinhu? Ʋucenjeri bgomunhu ʋunobginyisa ciso cake; hasha dzeciso cake dzinoshandurwa. Ndinoti: Ceŋgeta murairo wamambo, uɀiite nokuɗa kweɀawakapikira Mŋari. Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsuŋgirira pacinhu cakaipa, nokuti unoita ɀose ɀaanoɗa. Nokuti shoko ramambo rinesimba; ndiani uŋgati kwaari: Munoiteiko? Munhu unoceŋgeta murairo, haaŋgaʋoni cinhu cakaipa; mŋoyo wowakacenjera unoziʋa ŋguʋa nokutoŋgwa. Nokuti cinhu cimŋe necimŋe cineŋguʋa yaco nokutoŋgwa kwaco; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; nokuti haaziʋi ɀicazoʋa’po; nokuti ndiani uŋgamuziʋisa kuti ɀicaʋa ɀakaɗini? Hakunomunhu unesimba pamsoro pemhepo, kuti adziʋirire mhepo; ʋuye haanesimba pamsoro pezuʋa rorufu; hakuna‐kukaŋganwirwa pakurwa; saiɀoɀo ɀakaipa haɀiŋgarwiri iye unoɀiita. Iɀoɀi ɀose ndakaɀiʋona, ndikaraŋgarira nomŋoyo waŋgu maɓasa ose anoitwa pasi pezuʋa, paŋguʋa kana mumŋe munhu anesimba pamsoro pomumŋe, acimuitira ɀakaipa.

Pakurirana nevamwe
Muparidzi 8 SUB1949

Muparidzi 8:1-9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka. Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita. Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?” Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei. Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo. Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.

Pakurirana nevamwe
Muparidzi 8 SCLB