Muparidzi 8:1-9
Muparidzi 8:1-9 SCLBD
Ndiani angaenzaniswe nomungwaru. Ndianizve angazive kutsanangura zvinhu. Ungwaru hunopenyesa uso hwomunhu huchipa munhu uso hwakasununguka. Ini ndinoti, “Teerera zvinenge zvataurwa naMambo.” Pamusana pemhiko kuna Mwari ibva paari; usanonoke munzvimbo yenjodzi yakadaro nokuti mambo anogona kuita chose chaada kuita. Nokuti zvinenge zvataurwa namambo ndizvozvo. Ndiani angamuti, “Ko chii chamaita?” Munhu anoteerera mutemo hapana chinomuwira mungwaru anoziva mumwoyo make nguva kwayo nezvinofanira kuitwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho namaitirwo acho kunyange munhu achiremerwa nenhamo nokuti hapana anoziva zvichaitika uye ndiani angamutaurire kuti zvichaitika sei. Hapana munhu anokwanisa kutonga mweya kana kuramba akauchengetedza. Hapanawo ane simba nezvezuva rokufa. Hondo haina wainosia uipi hauponesi mwene wahwo. Zvose izvozvi ndakazviongorora ndichirangarira zvose zvinoitwa pasi pezuva, munhu achiremedza vamwe asi zvichizomupfukira iye.

