Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Muparidzi 8:1-9

Muparidzi 8:1-9 SNA2002

Ndiani akafanana nomunhu akachenjera? Ndiani anoziva kududzira chinhu? Uchenjeri hwomunhu hunobwinyisa chiso chake; hasha dzechiso chake dzinoshandurwa. Ndinoti, “Chengeta murayiro wamambo, uzviite nokuda kwezvawakapikira Mwari.” Usakurumidza kubva pamberi pake; usatsungirira pachinhu chakaipa, nokuti anoita zvose zvaanoda. Nokuti shoko ramambo rine simba; ndiani angati kwaari, “Munoiteiko?” Munhu anochengeta murayiro, haangaoni chinhu chakaipa; mwoyo wowakachenjera unoziva nguva nokutongwa. Nokuti chinhu chimwe nechimwe chine nguva yacho nokutongwa kwacho; nokuti kushata kwomunhu kunomuremedza; nokuti haazivi zvichazovapo; nokuti ndiani angamuzivisa kuti zvichava zvakadini? Hakuna munhu ane simba pamusoro pemhepo, kuti adzivirire mhepo; uye haana simba pamusoro pezuva rorufu; hakuna kukanganwirwa pakurwa; saizvozvo zvakaipa hazvingarwiri iye anozviita. Izvozvi zvose ndakazviona, ndikarangarira nomwoyo wangu mabasa ose anoitwa pasi pezuva, panguva kana mumwe munhu ane simba pamusoro pomumwe, achimuitira zvakaipa.

Verenga chikamu Muparidzi 8