Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:37-40 - Compare All Versions

Mabasa 2:37-40 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Vanhu vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo vakati kuna Petro navamwe vapostori, “Hama, tichaiteiko?” Petro akapindura akati, “Tendeukai mubhabhatidzwe, mumwe nomumwe wenyu, muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvivi zvenyu, uye mugogamuchira chipo choMweya Mutsvene. Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 BDSC

Mabasa 2:37-40 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SNA2002

Mabasa 2:37-40 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLBD

Mabasa 2:37-40 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino ʋakati ʋacinzwa iɀoɀo, ʋakaɓayiwa pamŋoyo, ʋakati kunaPetro nokunaʋamŋe ʋaapostora: Ʋarume, hama, ticaiteiko? Petro akati kwaʋari: Tendeʋukai, mumŋe nomumŋe wenyu abapatidzwe nezita raJesu, kuti mukaŋganwirwe ɀiʋi, mupiwe cipiwa coMŋeya Mutȿene. Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SUB1949

Mabasa 2:37-40 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 2 SCLB