Mabasa 2:37-40
Mabasa 2:37-40 SNA2002
Zvino vakati vachinzwa izvozvo, vakabayiwa pamwoyo, vakati kuna Petirosi nokuna vamwe vapostori, “Varume, hama, tichaiteiko?” Petirosi akati kwavari, “Tendeukai, mumwe nomumwe wenyu abhabhatidzwe nezita raJesu, kuti muregererwe zvivi, mupiwe chipikirwa choMweya Mutsvene. Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.”

