Mabasa 2:37-40
Mabasa 2:37-40 SCLBD
Zvino pavakanzwa izvi vakabaiwa mwoyo vakati kuna Pita nokuna vamwe vapositori: “Hama, ko zvino toiteiko?” Pita akati kwavari, “Pindukai muombekwe mose zvenyu muzita raJesu Kristu kuti muregererwe zvitadzo zvenyu. Munobva magamuchira chipo chaMweya Mutsvene. Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.”

