2 Samueri 7:9 - Compare All Versions
2 Samueri 7:9 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ndakava newe kwose kwawakaenda, uye ndakaparadza vavengi vako vose ndikavabvisa pamberi pako. Zvino zita rako ndichariita guru, richafanana namazita avakuru vari panyika.
2 Samueri 7:9 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
ndikava newe pose pawakafamba, ndikaparadza vavengi vako vose pamberi pako; ndichakuitira zita guru, ringafanana namazita avakuru vari panyika.
2 Samueri 7:9 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Ndaiva newe kwose kwawaifamba, ndikakutsakatisira vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira mukuru kwazvo sezvakangoita mazita avakuru vakuru vapanyika.
2 Samueri 7:9 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
ndikaʋa newe pose pawakafamba, ndikaparadza ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako; ndicakuitira zita guru, riŋgafanana namazita aʋakuru ʋari panyika.
2 Samueri 7:9 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Ndaiva newe kwose kwawaifamba, ndikakutsakatisira vavengi vako vose. Zvino ndichaita kuti zita rako rive nomukurumbira mukuru kwazvo sezvakangoita mazita avakuru vakuru vapanyika.