2 Samueri 16:1-4
2 Samueri 16:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Dhavhidhi akati afamba chinhambwe chiduku pamusoro pegomo, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti akamumirira. Akanga ane mbongoro mbiri dzakanga dzakatakudzwa mazana maviri ezvingwa, nezana ramakeke amaonde nedende rewaini. Mambo akabvunza Zibha akati, “Ko, wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akapindura akati, “Mbongoro ndedzeveimba yamambo kuti vatasve, zvingwa nemichero ndezvavarume kuti vadye, uye waini ndeyokupedza nyota yeavo vanga vaneta nokuda kwerenje.” Mambo akabvunza akati, “Ko, muzukuru watenzi wako aripi?” Zibha akati kwaari, “Ari kugara muJerusarema, nokuti anoti iye, ‘Nhasi veimba yaIsraeri vachandidzorera umambo hwasekuru vangu.’ ” Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinozvideredza. Dai ndawana nyasha pamberi penyu, ishe wangu mambo.”
2 Samueri 16:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Dhavhidhi wakati apfuura musoro wegomo zvishoma, akaona Zibha, muranda waMefibhosheti osangana naye, ane mbongoro mbiri dzakanga dzatakudzwa zvingwa zvina mazana maviri, namasumbu amadzambiringa akawomeswa ane zana, nemichero yezhezha ine zana, nehomo yewaini. Mambo akati kuna Zibha, “Unodiniko nezvizvi?” Zibha akati, “Mbongoro ndinopa veimba yamambo kuti vatasve; zvingwa nemichero yezhezha ndizvo zvokudya zvamajaya, newaini kuti vanoziya murenje vanwe.” Mambo akati, “Mwanakomana washe wako uripiko?” Zibha akati kuna mambo, “Tarirai, wakasara Jerusaremu, nokuti wakati, ‘Nhasi imba yaIsiraeri vachandidzosera ushe hwababa vangu.’ ” Ipapo mambo akati kuna Zibha, “Tarira, zvose zvaMefibhosheti ndezvako.” Zibha akati, “Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe wangu mambo.”
2 Samueri 16:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe. Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.” Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?” Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.” Mambo akabva ati kuna Zibha, “Chinzwa, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinokuremekedzai mambo changamire. Dai mwoyochena wenyu kwandiri wangoramba wakadaro.”
2 Samueri 16:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Davidi wakati apfuʋura musoro wegomo ɀishoma, akaʋona Ziba, muranda waMefibosheti osoŋgana naye, anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzatakudzwa ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namasumbu amazambiriŋga akawomeswa anezana, nemicero yezhezha inezana, nehomo yewaini. Mambo akati kunaZiba: Unoɗiniko neɀiɀi? Ziba akati: Mboŋgoro ndinopa ʋeimba yamambo kuti ʋataȿe; ɀiŋgwa nemicero yezhezha ndiɀo ɀokudya ɀamajaya, newaini kuti ʋanoziya murenje ʋanwe. Mambo akati: Mŋanakomana washe wako uripiko? Ziba akati kunamambo: Tarirai, wakasara Jerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ʋacandidzosera ʋushe bgaɓaɓa ʋaŋgu. Ipapo mambo akati kunaZiba: Tarira, ɀose ɀaMefibosheti ndeɀako. Ziba akati: Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe waŋgu mambo.
2 Samueri 16:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)