Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Samueri 16:1-4

II Samueri 16:1-4 SUB1949

Ɀino Davidi wakati apfuʋura musoro wegomo ɀishoma, akaʋona Ziba, muranda waMefibosheti osoŋgana naye, anemboŋgoro mbiri dzakaŋga dzatakudzwa ɀiŋgwa ɀinamazana maʋiri, namasumbu amazambiriŋga akawomeswa anezana, nemicero yezhezha inezana, nehomo yewaini. Mambo akati kunaZiba: Unoɗiniko neɀiɀi? Ziba akati: Mboŋgoro ndinopa ʋeimba yamambo kuti ʋataȿe; ɀiŋgwa nemicero yezhezha ndiɀo ɀokudya ɀamajaya, newaini kuti ʋanoziya murenje ʋanwe. Mambo akati: Mŋanakomana washe wako uripiko? Ziba akati kunamambo: Tarirai, wakasara Jerusarema, nokuti wakati: Nhasi imba yaIsraeri ʋacandidzosera ʋushe bgaɓaɓa ʋaŋgu. Ipapo mambo akati kunaZiba: Tarira, ɀose ɀaMefibosheti ndeɀako. Ziba akati: Ndinokotamira pasi; ndinzwirei nyasha, ishe waŋgu mambo.