Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Samueri 16:1-4

2 Samueri 16:1-4 SCLB

Dhavhidhi paakangoti pfuurei zvishoma pamusoro paye ndiye Zibha muranda waMefibhosheti nepo pfacha namadhongi aiva nezvityaro akatakudzwa zvingwa mazana maviri, nezana rezvitsumbu zvamagirepisi akaomeswa nemichero zana yomuzhizha neguchu rewaini redehwe. Mambo akati kuna Zibha, “Ko wauyirei nezvinhu izvi?” Zibha akati, “Madhongi aya ndeokuti mhuri yamambo iwane chokufambisa. Zvingwa izvi nemichero yezhizha iyi ndechokudya chamajaya enyu. Waini ndeyokuti vanenge vaziya nenyota murenje muno vanwe.” Mambo ndokuti, “Ko mwanakomana watenzi wako ari kupiko?” Zibha akati kuna mambo, “Asara zvake muJerusaremu umu. Ari kutoti nhasi mhuri yeIsiraeri ichandidzosera ushe hwababa vangu.” Mambo akabva ati kuna Zibha, “Chinzwa, zvose zvanga zviri zvaMefibhosheti zvava zvako.” Zibha akati, “Ndinokuremekedzai mambo changamire. Dai mwoyochena wenyu kwandiri wangoramba wakadaro.”