2 Samueri 12:24-25
2 Samueri 12:24-25 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akaenda kwaari akandorara naye. Akabereka mwanakomana, vakamutumidza kuti Soromoni. Jehovha akamuda; uye nokuti Jehovha akamuda, akatuma shoko nokuna Natani muprofita kuti amutumidze kuti Jedhidhia.
2 Samueri 12:24-25 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha, akapinda kwaari, akavata naye, iye akabereka mwanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akadikanwa naJehovha. Jehovha akatuma shoko nomuromo waNatani muporofita, akamutumidza zita rinonzi Jedhidhia, nokuda kwaJehovha.
2 Samueri 12:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda. Akatumako muporofita Natani kuti amutumidze zita rokuti Yedhidhiya, akadariso ndiTenzi.
2 Samueri 12:24-25 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Davidi akanyaradza mukadzi wake Bati‐sheba, akapinda kwaari, akaʋata naye, iye akaɓereka mŋanakomana, akamutumidza zita rinonzi Soromoni. Iye akaɗikanwa naJehova. Jehova akatuma shoko nomuromo waNatani muprofita, akamutumidza zita rinonzi Jedidia, nokuɗa kwaJehova.
2 Samueri 12:24-25 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)