2 Samueri 12
12
Kutsiurwa kwakaitwa Dhavhidhi naNatani
1Tenzi akatuma Natani kuna Dhavhidhi. Paakasvika kwaari akamuti, “Kwaiva navamwe varume vaviri mune rimwe guta. Mumwe aiva mupfumi mumwe ari murombo. 2Mupfumi wacho aiva nemombe nezvimwe zvipfuwo namatanga. 3Asi murombo akanga asina nechinhu chose achingova chete nehwayana sheshe yaakanga atenga. Akairera ikakura ainayo pamwechete navana vake. Chaaidya ndochayaidyawo ichinwirawo mumukombe wake, ichitorara zvayo mumaoko ake, ichinge mwanasikana kwaari. 4Zvino mupfumi uyu akasvikirwa nomweni. Haana kuda kubayira mweni uya akanga amushanyira mombe kana chimwe chipfuwo chomudanga make. Asi kutoti akatora hwayana iya yomurombo akabayira muenzi uya akanga amushanyira.”
5Dhavhidhi akavirukira munhu iyeyo nehasha akati kuna Natani, “NaTenzi chaiye mupenyu, munhu iyeyo anofanira kufa. 6Anofanira kuripa hwayana iyoyo kakapetwa kana pamusana pezvaakaita izvozvo uye pamusana pokuti haana kuita tsitsi.”
7Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Iyemi ndimi munhu wacho. Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Ndakakugadza umambo hweIsiraeri ndikakununura mumaoko aSauro. 8Ndakakupa ini imba yaiva yatenzi wako, ndakaita kuti vakadzi vatenzi wako vave vako ndikaisa mumaoko ako mhuri yokwaIsiraeri neyokwaJudha, dai izvozvo zvanga zviri zvishoma ndingadai ndakakupa zvakapetwa kaviri. 9Wazvidzireiko zvakarehwa naTenzi uchiita zvisingadiwe naTenzi? Wakaurayisa Uriya muHiti nebakatwa, ukatora mukadzi wake uchimuita wako. Asi iye ukamuuraya nebakatwa revaAmoni. 10Saka naizvozvo hondo yebakatwa haibve mumba mako nokuti wandizvidza ukatora zvako mukadzi waUriya muHiti uchimuita wako.’ 11Zvanzi naTenzi, ‘Chinzwa unzwe ndichakumutsira zvimwe zvakaipa mumba mako chaimo. Ndichakutorera vakadzi vako iwe wakatarisa nameso ako ndovapa kune mumwe wako. Iye acharara navakadzi vako masikati machena 12nokuti wakazviita muchivande. Asi ini ndichazviita Isiraeri yose ichizviona, masikati machena.’ ”
13Dhavhidhi akati kuna Natani, “Ndakatadzira Tenzi.” Natani ndokuti kuna Dhavhidhi, “Tenzi akuregererai chitadzo chenyu hamuchafa. 14Kunyange zvakadaro zvazvo, pamusana pokuti makatoshora Tenzi zvikuru kwazvo nezvamakaita izvozvo, mwana mukomana wamuchaberekerwa anofanira kutoti afe.” 15Natani akaenda zvake kumba kwake.
Kufa kwemwana waDhavhidhi
Tenzi akazorova nedenda mwana uye akaberekerwa Dhavhidhi nomukadzi waUriya akabva arwara. 16Dhavhidhi akanamata kuna Tenzi achikumbirira mwana iyeyu. Dhavhidhi akatsanya akapinda mumba akapedza usiku akati pasi zvambarara. 17Vakuru vakuru vemumuzinda wake vakamira paaiva vachida kuti asimuke, asi akaramba, akarambawo kudya navo. 18Pazuva rechinomwe mwana uyu ndiye sarai. Makurukota aDhavhidhi akatya kumutaurira kuti mwana wafa vachiti, “Tarisai muone mwana paakanga achiri mupenyu takataura naDhavhidhi asi akaramba kutinzwa. Ko kuzoti iyezvino, tingamutaurire sei kuti mwana afa. Angadaro akazvikuvadza.” 19Asi Dhavhidhi paakaona makurukota ake achiita zevezeve vari pamwechete, Dhavhidhi akabva azivawo kuti mwana wafa. Dhavhidhi akati kumakurukota ake, “Mwana wafasu?” Ivo vakati, “Watisiya uya.”
20Dhavhidhi akati pasi kwanyanu akashamba akazvizora mafuta akapfeka dzimwe hanzu. Akapinda mumba yaTenzi akanamata. Akadzokera zvake kumba kwake. Akakumbira vakamugadzikira chokudya akadya. 21Makurukota ake akati kwaari, “Zvamaita izvi zvinorevei? Manga muchitsanya muchichema mwana paanga achiri mupenyu. Asi pazofa mwana masimuka mukadya.”
22Iye akati, “Mwana paanga achiri mupenyu, ndanga ndichitsanya ndichichema ndichiti hazvizikanwe zvimwe Tenzi angandinzwire tsitsi mwana akararama. 23Asi zvino zvaashaya kudai chii chandichatsanyira? Ndingakwanise here kumuti adzokere kuno zvakare? Ini ndini ndichatoenda kwaari, asi iye kwandiri kuno haadzokeri.”
24Dhavhidhi akanyaradza mukadzi wake Bhatishebha akapindazve mumba naye vakagara vose akazobereka mwana mukomana. Dhavhidhi akamutumidza zita rokuti Soromoni, Tenzi akamuda. 25Akatumako muporofita Natani kuti amutumidze zita rokuti Yedhidhiya, akadariso ndiTenzi.
Kukurira kwakaita Dhavhidhi guta reRabha
26Izvozvo Joabhu akarwisa Rabha guta revaAmoni. Akatanga akurira muzinda wamambo waivamo. 27Joabhu ndokubva atuma nhume kuna Dhavhidhi kundoti, “Ndakarwisa Rabha, ndikarikurira guta remvura. 28Saka zvino chiunganidzai vamwe varwi vose mukombe guta iri murikurire. Ndingazodaro ndikarikurira ndiri ini, guta rikazodaidzwa nezita rangu.” 29Saizvozvo Dhavhidhi akaunganidza varwi vose pamwechete. Akaenda kuRabha akarirwisa akarikurira. 30Akatorera mambo weko ngundu youmambo mumusoro yairema makumi matatu amakirogiramu ane makirogiramu mana endarama yakanga iine dombo rinokosha. Yakadzikwa mumusoro waDhavhidhi. Akakukucha zvinhu zvaakapamba mugutamo zvakawanda kwazvo. 31Akatinha vanhu vakanga varimo akavaendesa kuchibharo kundoshanda namajeko namapiki namatemo esimbi. Akavakanyisa zvidhinha. Ndozvaakaita kumaguta ose evaAmoni. Dhavhidhi navarwi vose vakazodzokera zvavo kuJerusaremu.
Zvasarudzwa nguva ino
2 Samueri 12: SCLB
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
Shona Common Language Bible © Bible Society of Zimbabwe, 2008.