2 Madzimambo 14:23-28
2 Madzimambo 14:23-28 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Mugore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo weJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJehoashi mambo weIsraeri akava mambo muSamaria, akatonga kwamakore makumi mana negore rimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha akasatendeuka kubva kana pane chimwe chezvivi zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakaita kuti Israeri iite. Ndiye akadzikazve miganhu yeIsraeri kubva paRebho Hamati kusvika kuGungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari waIsraeri, rakataurwa kubudikidza nomuranda wake Jona mwanakomana waAmutai, muprofita wokuGati Hefa. Nokuti Jehovha akanga aona kuti vanhu vose muIsraeri vaitambudzika zvakanyanya sei, vose nhapwa navakasununguka; pakanga pasina angabatsira. Uye sezvo Jehovha akanga asina kumboti aizodzima zita raIsraeri kubva pasi pedenga, akavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJehoashi. Zvino zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nokukunda kwake pakurwa, pamwe nokuti akadzorera sei Dhamasiko neHamati kuIsraeri, aimbova maguta eJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eIsraeri?
2 Madzimambo 14:23-28 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Negore regumi namashanu raAmazia mwanakomana waJoashi mambo waJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi, mambo weIsiraeri, akatanga kubata ushe paSamaria, akaubata makore ana makumi mana nerimwe. Akaita zvakaipa pamberi paJehovha; haana kutsauka pazvivi zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati, zvaakatadzisa Isiraeri nazvo. Akakundazve nyika yeIsiraeri, kubva pavanopinda paHamati kusvikira pagungwa reArabha, sezvakarehwa neshoko raJehovha, Mwari weIsiraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mwanakomana waAmitai, muporofita weGatiheferi. Nokuti Jehovha wakaona kutambudzika kwaIsiraeri, kuti kwakanga kwakanyanya kwazvo; nokuti kwakanga kusina vakuru navaduku, kwakanga kusino mubetseri waIsiraeri. Asi Jehovha haana kutaura kuti uchadzima zita reIsiraeri pasi pedenga, asi wakavaponesa noruoko rwaJerobhoamu mwanakomana waJoashi. Zvino mamwe mabasa aJerobhoamu, nezvose zvaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Dhamasiko neHamati kuna Isiraeri, aiva maguta aJudha, hazvina kunyorwa here mubhuku yamakoronike amadzimambo eIsiraeri?
2 Madzimambo 14:23-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAmaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri akatangisa kutonga muSamaria. Akatonga kwamakore makumi mana negore rimwechete. Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kumbosiyana nezvitadzo zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Akadzosera pakare muganhu yeIsiraeri kubvira tava kuda kundopinda kuHamati kusvikira kuGungwa reArabha sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi nomuromo womuranda wake Jona, muporofita aibva kuGatiheferu mwanakomana waAmitai. Sezvo Tenzi akaona kuti nhamo yevokwaIsiraeri yakanga yanyanya chaizvo nokuti kwakanga kusisina kuti uyu muranda kana kuti uyu haasi muranda, wokununura Isiraeri pasisina. Asi Tenzi haana kumbenge ati achatsakatisa zita raIsiraeri panyika nokudaro akavanunura achishandisa Jerobhoamu mwanakomana waJoashi. Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu nezvose zvaakaita nougamba hwake namarwiro ake nokudzosa pakare kwaakaita Dhamasikusi neHamati maguta akanga atorwa nevokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.
2 Madzimambo 14:23-28 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Negore regumi namashanu raAmazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, Jeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri, akataŋga kuɓata ʋushe paSamaria, akaʋuɓata makore anamakumi manna nerimŋe. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo. Akakunda ɀe nyika yaIsraeri, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira paguŋgwa reAraba, seɀakarebga neshoko raJehova, Mŋari waIsraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mŋanakomana waAmitai, muprofita weGati‐heferi. Nokuti Jehova wakaʋona kutambudzika kwaIsraeri, kuti kwakaŋga kwakanyanya kwaɀo; nokuti kwakaŋga kusinaʋakuru naʋaɗuku, kwakaŋga kusinomuɓetseri waIsraeri. Asi Jehova haana‐kutaura kuti ucadzima zita raIsraeri pasi peɗeŋga, asi wakaʋaponesa noruʋoko rwaJeroboami mŋanakomana waJoashi. Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Damasko neHamati kunaIsraeri, aiʋa maguta aJuda, haɀinakunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?
2 Madzimambo 14:23-28 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)