Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

II Madzimambo 14:23-28

II Madzimambo 14:23-28 SUB1949

Negore regumi namashanu raAmazia mŋanakomana waJoashi mambo waJuda, Jeroboami mŋanakomana waJoashi, mambo waIsraeri, akataŋga kuɓata ʋushe paSamaria, akaʋuɓata makore anamakumi manna nerimŋe. Akaita ɀakaipa pamberi paJehova; haana‐kutsauka paɀiʋi ɀose ɀaJeroboami mŋanakomana waNebati, ɀaakatadzisa Israeri naɀo. Akakunda ɀe nyika yaIsraeri, kubva paʋanopinda paHamati kuȿikira paguŋgwa reAraba, seɀakarebga neshoko raJehova, Mŋari waIsraeri, raakataura nomuromo womuranda wake Jona, mŋanakomana waAmitai, muprofita weGati‐heferi. Nokuti Jehova wakaʋona kutambudzika kwaIsraeri, kuti kwakaŋga kwakanyanya kwaɀo; nokuti kwakaŋga kusinaʋakuru naʋaɗuku, kwakaŋga kusinomuɓetseri waIsraeri. Asi Jehova haana‐kutaura kuti ucadzima zita raIsraeri pasi peɗeŋga, asi wakaʋaponesa noruʋoko rwaJeroboami mŋanakomana waJoashi. Ɀino mamŋe maɓasa aJeroboami, neɀose ɀaakaita, nesimba rake, nokurwa kwake, nokudzosera kwake Damasko neHamati kunaIsraeri, aiʋa maguta aJuda, haɀinakunyorwa here mubuku yamakoronike amadzimambo aIsraeri?