Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

2 Madzimambo 14:23-28

2 Madzimambo 14:23-28 SCLB

Mugore regumi nechishanu rokutonga kwaAmaziya mwanakomana waJoashi mambo wokwaJudha, Jerobhoamu mwanakomana waJoashi mambo wokwaIsiraeri akatangisa kutonga muSamaria. Akatonga kwamakore makumi mana negore rimwechete. Iyeyu akaita zvakaipa zvisingadiwi naTenzi. Haana kumbosiyana nezvitadzo zvose zvaJerobhoamu mwanakomana waNebhati zvaakapinza nazvo vokwaIsiraeri mukutadza. Akadzosera pakare muganhu yeIsiraeri kubvira tava kuda kundopinda kuHamati kusvikira kuGungwa reArabha sokutaura kwakanga kwamboita Tenzi nomuromo womuranda wake Jona, muporofita aibva kuGatiheferu mwanakomana waAmitai. Sezvo Tenzi akaona kuti nhamo yevokwaIsiraeri yakanga yanyanya chaizvo nokuti kwakanga kusisina kuti uyu muranda kana kuti uyu haasi muranda, wokununura Isiraeri pasisina. Asi Tenzi haana kumbenge ati achatsakatisa zita raIsiraeri panyika nokudaro akavanunura achishandisa Jerobhoamu mwanakomana waJoashi. Inga dzimwe nyaya dzezvaJerobhoamu nezvose zvaakaita nougamba hwake namarwiro ake nokudzosa pakare kwaakaita Dhamasikusi neHamati maguta akanga atorwa nevokwaJudha, zvakanyorwa wani muBhuku reNhoroondo dzeMadzimambo okwaIsiraeri.