1 Samueri 9:5-6
1 Samueri 9:5-6 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pavakasvika mudunhu reZufi, Sauro akati kumuranda waaiva naye, “Uya tidzokere, zvimwe baba vangu vangarega kufunga nezvembongoro vakatanga kufunganya pamusoro pedu.” Asi muranda akapindura achiti, “Tarirai, muguta rino mune munhu waMwari; anoremekedzwa zvikuru uye zvinhu zvose zvaanotaura zvinoitika. Handei ikoko iye zvino. Zvichida achatiudza nzira yokuenda nayo.”
1 Samueri 9:5-6 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vachisvika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakanga anaye, “Ngatidzoke hedu; baba vangu zvimwe vangarega kufunga mbongoro, vakafunganya pamusoro pedu.” Iye akati kwaari, “Tarirai, muguta rino muno munhu waMwari, munhu unokudzwa kwazvo; zvose zvaanotaura zvinoitika; hendei zvino ikoko, zvimwe ungatiudza nzira yatingafamba nayo.”
1 Samueri 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Sauro paakasvika kudunhu reZufu akati kumuranda wake waaiva naye, “Ngatichidzokai! Baba vangazodaro vakarega kufunga nezvamadhongi vakatozonetseka mumwoyo voshushikana nezvedu.” Muranda akamupindura achiti, “Muguta iri mune munhu waMwari, munhu anoremekedzeka. Zvose zvaanotaura zvinoitika. Zvino dai tikaendako, zvimwe angatiudze zvatiri kufambira.”
1 Samueri 9:5-6 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋaciȿika kunyika yeZufi, Sauro akati kumuranda wake, wakaŋga anaye: Ŋgatidzoke heɗu; ɓaɓa ʋaŋgu ɀimŋe ʋaŋgarega kufuŋga mboŋgoro, ʋakafuŋganya pamsoro peɗu. Iye akati kwaari: Tarirai, muguta rino munomunhu waMŋari, munhu unokudzwa kwaɀo; ɀose ɀaanotaura ɀinoitika; hendei ɀino ikoko, ɀimŋe uŋgatiʋudza nzira yatiŋgafamba nayo.
1 Samueri 9:5-6 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)